Isai fetireza: ZFU

Kingstone Mapupu
SANGANO reZimbabwe Farmers Union (ZFU) riri kukurudzira varimi kuti vashandise mukana wemvura iri kunaya kunzvimbo dzakawanda dzenyika kuisa mafetireza epamusoro kuti zvirimwa zvavo zvirege kunyukurwa.

VaPaul Zakariya, avo vanova mukuru weZFU, vanoti nyika yose mvura iri kunaya zvakanaka. “Kwemasvondo mana adarika, mvura iri kunaya kumatunhu ose enyika zvinova zvakanakira isu varimi. Zvirimwa zvakabuda pasina mbeu dzakasarira pasi uye vazhinji takadyara nefetireza yepasi zviri kuita kuti zvirimwa zvedu zvikure zvakanaka,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti zvakakosha kuti varimi vashandise fetireza yepamusoro zvizere kuti vafambirane nekunaya kuri kuita mvura.

“Varimi vazhinji vakabatsirwa zvikuru nechirongwa cheHurumende chekuwaniswa mbeu nemafetiraiza chePfumvudza nekudaro ngavatore mukana wekunaya kuri kuita mvura yakawanda vaise fetireza yepamusoro muzvirimwa zvavo,” vanodaro VaZakariya.

Vanoenderera mberi: “Sevarimi tava kufanirwa kuisa fetireza yepamusoro nemwero inokurudzirwa nevarimisi nekuti mvura iri kunaya inokwanirana uye imwe yacho ichitodarikidza. Kuvarimi vari mumatoro, zvinhu zvava kuda kutoipa sezvo zvimwe zvirimwa zvava kutonyukurwa nekuda kwekuwanda kwemvura.”

Vanokurudzirawo varimi vanokwanisa kuti vashandise mishonga yekuuraya sora muzvirimwa zvavo.
“Mazuva ano tine mishonga yekuuraya sora yatinogona kushandisa muminda yedu inova nzira yakareruka. Asi tinofanirwa kutevedza nzira chaidzo dzinokurudzirwa nevarimisi kuti tisazopisa zvirimwa zvedu toguma tarasikirwa,” vanodaro.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×