Ishe vorwisa gukuravhu

ISHE Chihota vekudunhu reMarondera kuMashonaland East votungamirira pakudyarwa kwemiti mudunhu ravo rose uye vari kutarisira kuti panosvika gore ra2018 vange vadyara miti inodarika mamiriyoni nedonzvo rekudzivirira gukuravhu. VaRaphael Ngoni Chigodora (40), vanova Ishe Chihota, vanoti basa rekurima harifanirwe kusiyaniswa nekudyarwa kwemiti.

Chirongwa chekudyarwa kwemiti ichi chakaparurwa mudunhu iri svondo rakapera apo kwakadyarwa miti 1 500 yakasiyana kuward 14 ne15. “Idonzvo rangu sashe wechidiki kudai kuti pandinosvika makore makumi mashanu nyika ino yaChihota miti yose yakatemwa kwemakore anodarika makumi matatu inenge yadzoserwa yadyarwa pakare. Chirongwa ichi chinobatsira zvikuru mukudzivirira gukuravhu.

“Tiri kushanda nevamwe vedu veForestry Company avo vakatipa miti 1 500 yatakadyara ndokukurudzira masabhuku edu ose kuti vatevedzere chiitiko ichi,” vakadaro.

Ishe Chihota vanoti danho iri richabatsira zvikuru kuti varimi vazowana mapango ekuitisa mabasa akasiyana uyewo nehuni dzekupisisa fodya.

Miti yavakadyara inosanganisira mipuranga yemichero yakasiyana.

“Miti inokwana kuita 500 takabva taidyara pachikoro cheMaterera Secondary mimwewo ndokuidyara pamunda wedu wakatandavara yeka,” vakadaro. Miti iyi vanoti vakaidyara vachicherechedza zuva remusi wa1 Zvita rinova rekudyarwa kwemiti muZimbabwe. “Isu kuno kwaChihota takabvumirana kuti hatichamirira kudyara miti nemusi wa1 Zvita chete asi kuti zuva roga-roga rakasikwa naMwari kana munhu aona zvakakodzera ngaadyare muti kunyange mukati mesango chaimo,” vakadaro.

Vakazokurudzirawo kuti kudyarwe miti yemusango yakaita semizhanje, misasa, mihacha, mikute nemimwe yakasiyana kuti miti yemuno isaparare.

Dunhu rashe Chihota rine masabhuku 112 avo vose vakapihwa basa rekudyara miti munzvimbo dzavo.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×