Catherine Murombedzi
NYIKA yeKenya iri mushishi rekuda kuziva zvakawanda pamusoro pendufu dzinokwanisa kudzivirirwa kana madzimai anorarama neutachiona hweHIV akapihwa rubatsiro nenguva yakafanira uye kana vakanyoresa kusikero vachangobata pamuviri.
Madzimai anokurudzirwa kunyoresa pamuviri pasati pasvika mwedzi mitatu kana kuti vachangobata pamuviri apa.
Kukasika kuenda kusikero kunopa vashandi vezvehutano nguva yakanaka yekuziva utano hwaamai, mamiriro emwana mudumbu uye nguva izere yekuongorora ropa raamai pamwe chete nekuvheneka kuti havana zvirwere zvepabonde here. Zvirwere zvepabonde zvakafanana nesyphillis zvinokonzera kuti mwana aberekwe asingaone zvinove zvinokwanisika kudzivirirwa kana amai vakanyoresa vakavhenekwa.
Zvakadaro, mudzimai wemukuru wenyika yeKenya Mai Margret Kenyatta vakaona kuti kuita zvekutomhanya ndiyo nzira ingape mutsauko muhondo yavo yekurwisana nekupararira hweHIV neAids.
Mai Kenyatta vakamhanya mumujaho weLondon Marathon mugore ra2014 apo chinangwa chavo chaive chekuti ruzhinji ruzive mamiriro akaita utachiona hweHIV munyika mavo uye kuti zvirongwa zvevana nanaamai vakazvitakura zvasvika papi.
Vakaona uyu uri mukana wekuti pasi rose rimuke munhau yavamhanya nayo yekuti amai nemwana vararame uye kusave naamai kana mwana anofa panguva yekuberekwa.
Pamujaho uyu, vakasunza mari yekuti kuve nemakiriniki anoenda kumisha (mobile) iri kure inonetseka kuti madzimai akazvitakura afambe.
Vakawanazve rubatsiro rematendere (incubators) ayo anoiswa vana vanenge vazvarwa vari gava mwedzi.
Vana vacheche kana vachiongororwa utachiona hweHIV panoshandiswa nzira yepamusoro inonzi early infant diagnosis naizvozvo vakawana rubatsiro rwekutenga mushina unoita ongororo yeropa revana weDNA PCR uyo unodaidza mari iri pamusoro-soro.
Mai Kenyatta vakaita mukurumbira nekuti vanhu vakaona kuti ivo vanokoshesawo zvakare kugara munhu akasimba kuburikidza nekumhanya.
Munyika mavo vakabva vaparura mujaho weFirst Layd’s Half Marathon uyo uchange uchiitwa gore negore senzira yekuyeuchidzana nhau yekukunda HIV nekuti pasave nevanhu vamwe vanotapurira utachiona.
“Dziviriro inokurudzirwa senzira yekusaparadzira utachiona hweHIV uye hatidi mwana anoberekwa aine utachiona hweHIV nekuti senyika takundikana kupa madzimai akazvitakura utano hunotarisirwa kuchipatara nekiriniki. Nguva yekuti mwana aberekwe aine utachiona hweHIV yakapfuura kare naizvozvo iwe neni tine basa rekuti tisvike pazero panhau yeutachiona hweHIV. Pazero apa tinoreva kuti hakuna munhu achatapurira utachiona hutsva, hapana munhu achabereka mwana ane utachiona hweHIV uye kuti hapana ndufu dzinokonzerwa zvakare nekuda kwedenda irori.
Kushorwa kwevanorarama neutachiona tinoda kuti kupere tigosvika pazero panhau iyoyi,” vakadaro Mai Kenyatta.
Vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika kusangano remadzimai evakuru venyika dzemuAfrica avo vane mubatanidzwa wekukunda HIV neAIDS unonzi Organisation of African First Ladies Against HIV/AIDS.
Kuburikidza nekumhanya nezvimwe zvirongwa zviri kuitwa nebazi rehutano munyika yavo, Mai Kenyatta vanotarisira kumhanya kudarika utachiona hweHIV mugore rino nemakore mashanu anotevera.
Kana ivo vamhanya nenhau iyi ko iwe neni tadii tamhanya pandima diki yatiri?
- Wenyu:[email protected]




