Iyi mishonga yamupandukira: Zinatha

Kingstone Mapupu
NYANZVI munyaya dzezvechivanhu dzinoti mupurwa imhuka inoshandiswa zvinhu zvakasiyana zvinosanganisirawo mabasa ehuroyi. VaGeorge Kandiyero (41), avo vakafanobata chigaro chemukuru wesangano ren’anga, reZinatha, vanoti panyaya yemurume wekuBulawayo uyo anonzi ari kushungurudzwa nemupurwa zvinogona kudaro muchinda uyu akatora mushonga wekupfuma uyo wakazomupandukira.

“Tine n’anga muno kana kunze kwakaita sekuSouth Africa dzinopa mishonga inenge yakaita semaruva kana mashizha, iyo inozopanduka kuita mhuka dzakaita semipurwa kana madzvinyu. Saka tinokurudzira kuti vanhu vasatore mishonga yakadai,” vanodaro.

Vanoti nguva yadarika mumwe murume aibva kuGweru achienda kuHarare akapotsa akonzeresa tsaona yemotokari yaaiva akakwira apo aiva akatakura mupurwa mubhegi rake.

VaKandiyero vanoti mumwe munhu aive mumotokari iyi akaona mupurwa uyu uchipfakanyika izvo zvakakonzera kusagadzikana kune vaivemo.
Murume uyu anonzi akazoburutswa mumotokari iyi.

Vanoti mimwe yemishonga iyi zvakare inogona kukonzeresa tsaona mumigwagwa pamwe nerufu rusinganzwisisike kumhuri dzanyakuromba wacho.

VaPatrick Kapfunde (42) vekuDarwin vakatsinhira vachiti mupurwa unoshandiswa mumabasa ane chekuita nehuroyi.
“Tine mipurwa yemusango neyevanhu, munoona kuti mimwe yacho inoshandiswa kuyamwa vanhu nekukama mombe usiku. Munozoona kuti minyatso yemombe idzi inotsemuka zvekutotadza kuti dzikamwe,” vakadaro.

Vakakurudzira veruzhinji kuti vasiyane nenyaya dzekungotora mishonga yakaipa inozoguma yavapandukira.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×