James Anderson haasi kuzotamba mitambo yese

MUTAMBI wecricket weEngland James Anderson haasi kuzotamba mitambo yese yeODI apo vachasangana neSri Lanka, sangano reEngland neWales Cricket Board rakazivisa.

Mutambi uyu (29), achange asimo muchikwata chaPeter Moores icho chiri kuenda kuSri Lanka sezvo ari kumborapwa gumbo rake uye anoda kurwira kupinda muchikwata chichaenda kumutambo weWorld Cup gore rinotevera.

England parizvino haisati yashevedza mumwe mutambi anomutsiva uye inotarisirwa kutamba mutambo wekutanga neSri Lanka musi waMbudzi 26 kuColombo.

Chinyorwa chakabva kuECB chinoti: “James Anderson achange asimo mumutambo unotevera apo tichasangana neSri Lanka kuitira kuti arambe achirapwa gumbo rake iro range richimushungururdza. “Anderson ange achishungurudzwa negumbo rake kwenguva refu saka apo tave kuita gadziriro dzeICC Cricket World Cup tichange tichimuongorora kwemwedzi miviri inotevera. “Anderson paachadzoka kuzotamba pachaita nguva apo tichamutumira kuSouth Africa muna Zvita nechikwata cheEngland Perfomance Programme icho chichange chichimuongorora patichitamba mutambo wetri-series neAustralia uye India.

“Parizvino hapana achatsiva Anderson muchikwata chiri kuenda kuSri Lanka”.

Apo mumwe mutambi weEngland, Stuart Broad uyo anove bowler asiri kukwanisa kutamba sezvo akakuvara, vatambi vanoti Steven Finn, Harry Gurney, Chris Jordan, Ben Stokes uye naChris Woakes vachange vachirwria kutamba mumutambo uyu. — Sky Sports News

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×