Mabelreign Girls High iri mugwara

MUKURU wedzidzo mudunhu reHarare Metropolitan Province, VaChristopher Kateera, vanoti vana vechikoro vanofanira kudzidziswa tsika nehunhu hwakanaka pamwe nenhoroondo yekwavakabva kuti vagove neremangwana rakajeka.

Vakataura mashoko aya svondo rapera pakupihwa mibairo kwevana vakakunda muzvidzidzo, mitambo nezvimwe pachikoro cheMabelreigh Girls High.

Vakati hazvibatsire kuti mwana ave shasha muchikoro asi asina hunhu hwakanaka.

“Zvakakosha kuti mwana anogona muchikoro ave nehunhu hwakanaka nekuti hapanai munhu anobudirira muupenyu asingakoshese tsika, magariro pamwe nenhoroondo yekwaakabva.

“Dzidzo bedzi haina kukwana pakuumba munhu ane hunhu, nokudaro vana vanofanira kufundiswa hunhu hwakanaka muzvikoro apo vanenge vachiri kukura,” vakadaro.

Vakarumbidza kusimukira kuri kuita chikoro ichi munyaya dzedzidzo vachiti chikamu chevana vakapasa bvunzo dzeO-Level chakakwira kubva pa15,7% muna 2009 kusvika pa55,7% gore radarika.

PaA-Level, chikamu chevana vakabudirira chakasimukira zvakare kubva pa97,6% muna 2009 kuenda pavika pa100% gore radarika.

Vakati budiriro iyi inoratidza kushanda nesimba kwevana nevadzidzisi vepachikoro ichi.

Vakakorokotedza vana vakadadisa pazuva iri ndokukurudzira vasina kubudirira kuti vashandewo nesimba munguva inotevera.

“Vana vechikoro munodadisa, kusimukira kuri kuita chikoro chino munyaya dzedzidzo kunoratidza kuti muri mugwara rakanaka uye zvinongoreva kuti muri kushanda nesimba,” vakadaro VaKateera.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×