Jekiseni reCovid ratanga kubaiwa

Muchaneta Chimuka

MUTEVEDZERI wemutungamiri wenyika Vice President Costantino Chiwenga – avo vanova zvakare gurukota rezveutano nekurerwa kwevana – ndivo vaita munhu wekutanga kubaiwa jekiseni rekudzivirira chirwere cheCovid-19 (vaccine) muZimbabwe iro ravakabaiwa nezuro.

VP Chiwenga vakabaiwa jekiseni remhando yeSinopharm Covid-19 vaccine pachipatara cheWilkins Hospital chiri muguta reHarare.
Vakatevera VP Chiwenga pakubaiwa ndiDr John Mangwiro avo vanova mutevedzeri wegurukota rezveutano kuchizouya vashandi vezveutano nevamwe.

Vamwe vevakabaiwa majekiseni aya, ayo ari kubaiwa vanoda uye ari epachena, vanosanganisira vashandi vezveutano nevatori venhau.
Mumwe wevatori venhau vakabaiwa, Michael Gwarisa, anoti anoona zvakakosha kubaiwa.

Micheal Gwarisa achibaiwa jekiseni rekudzivirira Covid-19

“Sevatori venhau, tinopinda munzvimbo dzakasiyana umo tinosangana nevanhu mubasa redu. Saka zvakakosha kuti tidzivirirwe kuchirwere ichi kuti tichengetedze upenyu.

“Semunyori wenhau dzezveutano, ndichange ndichinyora zvandinoziva kuburikidza nekudzivirirwa kwandaitwa kuitira kuti ndisazonyora nhau dziya dzemanzwira-nzwira. Ndichanyora zvese sezvazviri pane kuti tingopona nekuudzwa zvinhu zvemanyepo nevamwe vanhu,” anodaro Gwarisa.

Zimbabwe yakapihwa majekiseni 200 000 emushonga wekudzivirira chirwere cheCovid-19 neChina uye mamwe majekiseni 600 000 ayo akatengwa zvakare kunyika iyi anotarisirwa kusvika muno munaKurume.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×