Jongwe naAli vonokwikwidza kuJapan

Abel Ndooka

SHASHA dzinokwikwidza mumijaho yemawiricheya dzechidzimai, Stellah Jongwe naMollen Ali, dzichanomirira nyika apo dzichanokwikwidza kumujaho we44th Oita International Wheelchair Marathon, uyo uchaitirwa kuJapan muna Mbudzi.

Technical director weNational Association of Wheelchair Racers in Zimbabwe — Wilson Nyakoko — anoti Jongwe naAli vari mushishi kuita gadziriro dzavo kuti vagonokwikwidza kumujaho uwu, uwo unouya vamhanyi vakawanda kubva kunyika dzakasiyana-siyana.

Nyakoko anoti, sesangano, vari kutsvaga rubatsiro rwakasimba rwokuti vagokwanisa kutumira vamhanyi vavo ava, Jongwe naAli, kuJapan.

“Tine mufaro mukuru kuzivisa kuti gore rino tiri kutumira vamhanyi vedu vaviri, Stellah Jongwe naMollen Ali, kuJapan muna Mbudzi kunokwikwidza kumujaho we44th Oita                    International Wheelchair Marathon.

“Mujaho uwu mukuru uye tinoziva kuti vasikana vedu vaviri ava tikavatumira vanodzoka nemenduru.

“Iye zvino vari mushishi kuita gadziriro dzavo, vakatarisana nekuenda kumujaho uwu, saka tiri kuchema kune masangano akasiyana-siyana kuti huyai mutikotsvere, tikwanise kutumira shasha dzedu mbiri idzi kuJapan,” akadaro Nyakoko.

Jongwe mumwe weshasha dzemujaho wemawiricheya dzange dzichisimukira makore adarika. Akahwinha mijaho yakawanda munyika, inosanganisira CBZ Marathon uye Tanganda Half Marathon. Ali mumwe vevamhanyi vari kusimukira mumujaho uyu wemawiricheya.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *