Kaka amiswa basa . . . opomerwa kushandisa juju

Tadious Manyepo

MAZUVA mashoma mutambo mukuru pakati peDynamos neHighlanders wabva mukutambwa, DeMbare yamisa basa murairidzi wayo, Genesis “Kaka” Mangombe, apo ongororo iri kuitwa maererano nemhosva dzaari kupomerwa, dzinosanganisira kushaya ruremekedzo kuvakuru vake, kushandisa mushonga uye kubiridzira mumitambo.

Dynamos nomusi weChipiri svondo rino yakanyorera Mangombe tsamba, ichimuudza kuti ambomira kuuya kubasa.

Vabatsiri vake vanoti Newsome Mutema, Tonderai Marume neanodzidzisa vabati vepagedhi Britto Gwere vane mhosva dzavari kupomerwawo zvakare.

Pari zvino, Dynamos yakafanogadza shasha yenhabvu uye maneja wechikwata ichi, Ronald “Gidiza” Sibanda, kuti afanotungamira DeMbare apo yakatarisana nekutamba neBulawayo Chiefs kuRufaro nomusi weSvondo.

Chamangwiza weDynamos, Desmond Bvute, akazivisa nezvemhosva dziri kupomerwa Mangombe apo akamunyorera tsamba achimuzivisa kuti ambomira basa.

Zvinotaridza kuti kunetsana pakati paMangombe nevakuru veDeMbare kwakanyatsobuda pachena kuGlamis Arena, muHarare, apo vatambi vaiita gadziriro nomusi wa18 Chikumi.

Tsamba iyi inotsanangura kuti vakuru vechikwata ichi vakagamuchira zvichemo kubva kuvatambi, avo vaigunun’una nemaitiro aMangombe.

Dynamos iri kupomera Mangombe kuti haana kutaridza ruremekedzo kuvakuru vechikwata ichi mushure mokunge vatambi vapedza kuita gadziriro apo anonzi akavaudza kuti haaida kuramba ari murairidzi wavo.

“Zviri kunzi musi weChina, 18 Chikumi, kuGlamis Arena, wakaudzwa kuti uuye kumusangano wekuita ongororo mushure mokunge vatambi vapedza kuita gadziriro dzavo. Mumusangano uyu, wakaudzwa nezvedzimwe mhosva dzauri kupomerwa nemubati wepagedhi Idrissou Nfor Finia, uyo akati uri kumanikidza vatambi kuti vageze nemushonga mitambo isati yatanga.

“Zvimwe chete zvakataurwawo naChristopher Netty uye vatambi vakuru veDynamos, kuburikidza nakaputeni wavo Stanley Billiat, uyo akatiwo kana mutambi akaramba kugeza nemushonga sezvaunenge wataura, haabvumidzwi kuzotamba mutambo unenge uripo.

“Unonzi wakashaya ruremekedzo zvakare neDynamos Executive Committee apo vaitaura newe pakapedza vatambi kuita gadziriro dzavo uye wakataridza kuti hauna hanyn’a nezvigaro zvavo.

“Wakavaudza zvakare kuti hauchada kuramba uri murairidzi mukuru weDynamos FC, ndokubva watanga kufamba uchibva panzvimbo iyi, ukasiya nhengo dzeDynamos Executive Committee nevamwe vaivepo vaine kukatyamadzwa kukuru.

“Wakaenda kumotokari yako, uye chief security officer (Patrick) Fakero, akakutevera ukamuudza kuti hauchada kuramba uri murairidzi mukuru weDynamos FC,’’ inodaro tsamba iyi.

DeMbare inoti kumanikidza vatambi kugeza nemushonga mitambo isati yatanga uye kurambira nemanyufomu nemimwe midziyo yekushandisa kuitira kuti zvigomwaiwa mushonga zvinopesana nemutemo wechikwata ichi pamwe chete nemakondirakiti evatambi.

“Vamwe vatambi havasisina mufaro sezvo vasingatendi mumaitiro ako ekushandisa chivanhu,” inodaro tsamba iyi.

Mangombe ari kupomerwa zvakare kubirira mumitambo, izvo zvinogona kuita kuti masangano akaita seZIFA, FIFA neCAF apindire munyaya iyi.

“Zvinonzi wakabirira kuburikidza nekurunzira zvakabuda mumitambo apo Dynamos yakakundwa kana kuita mangange, uchida kuti isahwinhe.

“Mhosva dzerudzi urwu dzakadzama uye dzinopesana nemitemo yose yekutambwa kwenhabvu. Mhosva idzi dziri kubva pamitambo inotevera:

  • Mutambo pakati peDynamos neScotland FC weCastle Challenge Cup, uyo wakatambwa nomusi wa1 Kurume 2026, apo Dynamos yakakundwa 5-0 pawakabvisa vamwe vatambi pazvinzvimbo zvavaifanirwa kunge vachitamba pasina zvikonzero zvakasimba.
  • Mutambo weCharity Shield pakati peHighlanders neDynamos FC, apo Dynamos FC yakakundwa 1-0
  • Mutambo pakati peDynamos neFC Hunters apo zvikwata izvi zvakaita mangange 2-2
  • Mutambo pakati peCAPS United neDynamos apo Dynamos FC yakakundwa 2-1.’’

Mangombe haasati ataura pajekerere pamusoro penyaya iyi. DeMbare iri kutarisirwa kuzivisa nezvemusi uchatongwa mhosva dzaari kupomerwa mumazuva mashoma ari kutevera.

Related Posts

ADVERTORIAL: Reply to the Second Reading debate: Constitution of Zimbabwe Amendment Bill No.3, 2026 by Honourable Ziyambi

Introduction Mr. Speaker Sir, I rise to reply to the Second Reading debate on the Constitution of Zimbabwe (Amendment No.3) H.B.1. Bill, 2026. Before doing so, may I thank Honourable…

Makondomu 15 800 agoverwa paForbes Border Post musvondo rimwe

Tendai Gukutikwa MAKONDOMU anosvika 15 800 akagoverwa svondo rapera chete kuvatyairi vemagonyeti, vanoita mabhizimusi ekuenda kunze kwenyika vachinohodha zvinhu zvakasiyana-siyana, vanoita basa rekutengesa muviri nevamwe vafambi paForbes Border Post neveZimbabwe…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×