Kingstone Mapupu
VAGARI vemumugwagwa waThirty Three Crescent mumusha weGlen View 1 muguta reHarare vakasara vasina neremuromo zvichitevera kamba yakaonekwa ichifamba yakamonerwa zvuma nemachira matema newivhi (weave) pamatakishopu eko nemusi weChipiri chadarika.
Mai Molline Murambiza (42) mugari wemunharaunda iyi, avo vane takishopu panzvimbo iyi, vanoti vakatanga kuona kamba iyi mangwanani emusi weChipiri chesvondo rapera ichingofamba nemugwagwa yakamonerwa zvuma nemachira.
“Kamba iyi yakatanga kuonekwa nemusi weChipiri mangwanani ndokuswera ichingofamba apo vanhu vaitya kuibata. Nhasi Chitatu yafuma iripo zvakare ichingomberereka pano pamatakishopu edu emunaThirty Three Crescent kusvikira yakazopinda mune imwe takishopu isingashandiswe iyi,” vanodaro Mai Murambiza.
Kamba iyi yakakonzera kuungana kwevanhu vaiuya vachingoona kwemazuva maviri.
Mai Murambiza vanoti vane fungidziro yekuti kamba iyi inogona kunge iri kushandiswa mumabasa ehuroyi kana kuti vanhu vari kuda kuvhundutsirana pane nyaya dzavakatadzirana.
“Aya anogona kunge ari mabasa evaroyi nekuti hakuna kamba yemusango inopfekedzwa chuma nekusungirwa machira kudai. Kana kuti imwe nguva vanhu vari kuda kuvhundutsirana pane kukanganisirana kwavakaita. Inyaya yakaipa kuti vanhu vashandise mhuka dzesango zvakadai,” vanodaro Mai Murambiza.
Muridzi wetakishopu yaive yapindwa nekamba iyi, uyo akangozviti Chihera, akati hakuna zvakawanda zvaaigona kutaura nekuda kwenyaya iyi sezvo akazongonzwa kuti kumatakishopu kwaita kamba.
“Handina zvandinoziva panyaya yekamba iyi nekuti takishopu yangu ndakaivhara kare. Ndangonzwawo nhasi kuti yapinda mutakishopu mangu, hamuna chirimo ndakaguma kare kushandisa takishopu iyi,” anodaro Chihera. Mai Ottillia Mazhindu (39) vanogara munzvimbo iyi vanoti vakangotanga kuonawo kamba iyi nemusi weChipiri chadarika.
“Chishamiso munzvimbo yedu kuona zvinhu zvakadai hatizive kuti ikamba yevaroyi here sezvo yakasungirwa zvuma nemachira, chokwadi varoyi vari pabasa,” vanodaro Mai Mazhindu.
Mai Calex Kamombe (39) vanoti nzvimbo yavo yava kutyisa nezviri kuitika izvi.
“Hatizive kuti munhu akakanda kamba iyi ndiyani uyewo nekuti chinangwa chake ndechei. Tava kugara tichityira upenyu hwedu nehwevana,” vanodaro Mai Mazhindu. VaTafirenyika Maronje (46) vanoita basa rekutengesa zvinhu zvakasiyana vakazosvika Kwayedza iripo vachibva vavhura mutakishopu umu ndokuwana kamba iyi yakavanda mukati memakadhibhokisi vachibva vaiburitsa vachiinakura nechimuti zvakaita kuti vanhu vadzvamuke nekutya.
“Ndaona kamba iya yakahwanda muno, ine zvuma nemachira matema aa zvakaoma,” vanodaro Maronje. Panguva iyoyo kamba iyi payakaburitswa mutakishopu pakaita mhomho yevanhu vaida kuona vachitaura zvakasiyana.
Pane mumwe murume akanzwikwa achishevedzera kuti mamwe madzimai emisika nevematakishopu vaishandisirana mishonga yekuti vatengerwe.
Mumwewo murume akanga akadhakwa zvakadarikidza, uyo akangozivikanwa nekunzi Thanx uye ainzi anogara mumugwagwa wa32 Crescent, akazongosvika panzvimbo iyi ndokutanga kunongedzera vatori venhau nemutori wemifananidzo achiti vaitaurire chii nevanhu nekuda kwenyaya yekamba iyi achibva aitora. Akaikanda mudenga, ndokuikava nebhutsu achiirovera pasi, vanhu vose vakadzvamuka.
“Imi muri kunditorere chii mifananidzo? Ibvai pano ndokusungisai nemapurisa, siyai kamba iyoyo yaita sei?” anodaro Thanx. Murume uyu akabva atora kamba iyi ndokuenda nayo akaibata achinanga nekunzvimbo yemabhizimisi yeGlen View 1 Shopping Centre.
Zvakadai, mukuru wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti vanhu havafanirwe kushungurudza mhuka dzesango sezvakaitwa kamba iyi.
“Mhuka dzesango dzinoda kuchengetedzwa pasina kushungurudzwa vanhu vanoita izvi vakaonekwa vanoda kumhan’arirwa kumapurisa vasungwe,” vanodaro VaKandiyero. Vanoti mhuka dziri kushungurudzwa dzinosanganisira mipurwa nemadzvinyu.
VaTinashe Farawo mutauriri webazi reZimbabwe National Parks and Wildlife Management Authority (ZimParks) vanoti imhosva kuonekwa munhu achishungurudza mhuka dzesango.
Vanokurudzira veruzhinji kuti vakaona vanhu vanotambudza mhuka dzesango vamhan’are kumapurisa.




