Kambo ‘Tiri Vana vaMambo’ kosimudzira vakawanda

Mbulelo Mpofu

KAMBO kemuimbi wemusambo wechitendero ane mukurumbira — Everton Mlalazi — ako kanonzi ‘Tiri Vana vaMambo’ kakadzama uye kanoyeuchidza vanamati kuti ndivanani munaMwari.

Kane mashoko ari pamusoro pekupa tariro muhupenyu nekusimudzira nyaya dzekutenda pakunamata Mwari.

Kuburikidza nemaimbiro akanyorovera uye anobata mwoyo, Mlalazi anokurudzira veruzhinji kuti vanzvere upenyu hwavo vachibatsirwa nemweya mutsvene pane kufunga nezvematambudziko avanosangana nawo zuva nezuva mukurarama.

Kambo aka kanoyeuchidza vanamati kuti kukosha kwavo kunobva kunaMwari uye kuti vanowana kusimbiswa netariro kwaari zvisinei nemamiriro ezvinhu.

Achitaura pamusoro pekambo kanosimudzira munyaya dzemweya mutsvene aka, Mlalazi anoti mashoko arimo ndeayo ekuti vanhu vanofanirwa kugara vachimanzwa nguva nenguva.

“Ndakasarudza ‘hymn’ iyi nekuti tose tinoda kuyeuchidzwa kuti tiri vananani munaMwari. Zvisinei nezvatiri kana kuti zvakatarisana nazvo, tiri vana vaMwari vanove Mambo wemadzimambo. Chokwadi chinotipa tariro, kusimudzirwa uye nekuti tive nechikonzero chekurarama,” anodaro.

Kubura kwaakaita kambo ako kunowedzera pane dzimwe nziyo dzake dziri kusimudzira vanhu vakawanda muZimbabwe nekunze.

Apo dzimwe nziyo dzaakatsikisa kare dzaive nedingindira riri pamusoro petariro, kuporeswa uye kudzora ndangandariro, ‘Tiri vana vaMambo’ kari pamusoro pekusimbaradzwa kwekutenda pamwe chete nekuziva kuti upenyu hwemunhu hwakamira sei munaMwari.

Mashoko ari mukambo ake ari kutambirwa zvakanyanya nevateereri vari kunze kweZimbabwe, kunyanya kuSouth Africa.

“Kuona vatungamiriri nevamwe vanoteverwa neveruzhinji vachigamuchira mashoko aya uye vachigoverana nenharaunda, maropafadzo makuru. Urwu harwusi rwumbo njee, munamato, rwunopa kuchengetedzeka uye rumbidzo kune mwoyo mumwe nemumwe,” anodaro Mlalazi.

Panyaya dzemimhanzi, muimbi uyu anoshandisa hunyanzvi hwake kuti pave nehochekoche pakati pemusambo wechitendero nenzira dzinoshandiswa mukurumbidza pachivanhu izvo zvinoita kuti paburwe mashoko ari nyore kutambirwa nemunhu akazvimirira pamwechete nevemachechi.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×