‘Kana ndoda bonde ndinorova mukadzi’

Lizzy Mushoriwa —
VANHU vaive mudare redzimhosva vakakahadzika apo mumwe murume akati anosvika pakuzvambaradza kurova mudzimai wake kana achinge aramba kuenda naye pabonde uye dzimwe nguva anotora mari yekutengesa chikafu chemumba achinokecha pfambi.

Radia Sithole akataura mashoko aya muHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa nemudzimai wake Martha Bhera. Bhera anoudza dare kuti Sithole anomushungurudza zvakanyanyisa.

“Changamire, ndidzivirireiwo nekuti baba ava tava nemakore makumi matatu tichigara tose asi zvavanoita hazviite. Vanondirova vachitora mari mumba vachiti vanoda kunokecha pfambi uye vakadzoka kubhawa vakadhakwa vanosvikondirova, vondimanikidza kuenda navo pabonde,” anodaro. Anoti Sithole anomutuka zvinyadzi pamberi pevana. “Ndinotukwa zvinyadzi pamberi pevana, vana kuchikoro havachatombogona nekuda kwekushungurudzwa kwandinoitwa nababa vavo,” anodaro Bhera. Sithole anoti haapikisane nechikumbiro chemudzimai wake chekuti apihwe gwaro redziviriro.

“Ini handipikisane nechikumbiro chavo asi zvekutora mari yemumba ndichinokecha pfambi zvakangoitika kamwe chete. Amai ava havadi kundipa bonde saka ndichizovarova kana kuvatuka, zvinenge zvichindirwadza,” anodaro.

Mutongi Larzin Ncube akapa Bhera gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *