Kana ‘small house’ isisade . . .‘Baba imi dzokerai Kumukadzi wenyu’

Milcah Nhakura
MUDZIMAI wemuHarare anoti ari kugara akabatira hana yake mumawoko achitya murume wemunhu uyo waari kugara naye seshamwarirume yake sezvo achiti akamboda kumupisira mumba achishandisa chitofu chegasi.

Mukadzi uyu ari kuti haachada nezvemurume uyu, nekudaro anoda kuti achidzokera kumudzimai wake.

Zvisinei, murume uyu saimba uyu ari kutsika madziro achiti hazviite kuti abve ku‘‘small house” yake uku nechikonzero chekuti ndiye anobhadhara mari yerendi nekutenga chikafu.

Fatima Takura akamhan’arira Forward Mazuru kudare reHarare Civil Court achida gwaro rinomudzivirira.

Takura anoti rimwe zuva, Mazuru akavhura tangi regasi akapotsa amupisira mumba izvo zvaanoti nanhasi achiri kunzwa hana yake kutya.

“Changamire, ndinokumbirawo gwaro redziviriro kubva kumurume wandaimbodanana naye. Ndokumbirawo kuti adzokere kumudzimai wake nekuti ini ndamutadza. Anondirova nekundituka.

“Anoparadzazve midziyo yangu, akambouya akatora magumbeze angu ose ndokuvhura gas tank achida kundipisira mumba. Anondifonera achipopota zvekuti ndave kutotya kudaira nhare yake. Tine vana vaviri tose asi hazvina hazvo mhosva, vana ndinochengeta,” anodaro.

Mazuru anoti Takura haangamudzinge paimba yaari kubhadhara rendi nekutenga zvekudya.

“Mukadzi uyu haangandidzinge pamba pandiri kutenga zvekudya nekubhadhara rendi. Tanga tisati tanyatsosiyana asi ndazviona kuti haachadi nezvangu, ndinodzokera zvangu kumudzimai wangu,” anodaro.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Takura gwaro redziviriro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *