MUKADZI wekuti anogarozvamburwa pamwe nekutukirirwa nemurume wake akapotera kudare. Kudzai Mirosi akamhan’arira Kelvin Mirosi kuHarare Civil Court achida gwaro redziviriro achiti anzwa nekuzvamburwa pamwe nekutukirirwa.
“Changamire, baba ava vanondirova vachingoti ndiri kuita chipfambi. Vanonditukirira pamberi pevana nemusikana webasa. Vavakidzani vangu vanotozviziva kuti ndiri mupfumvu nababa ava. Ndinokumbirawo kuti mundipe gwaro redziviriro zvichida ndingazorore,” akadaro.
Kelvin akapikisa chikumbiro ichi achiti dare rikangomupa chete rinenge ratokuchidzira dambudziko mumba make.
“Changamire, upenyu hwangu hwakandiomera, regai zvizonzi chakafukidza dzimba matenga. Amai ava vanoita zvegumbo mumba gumbo kunze ini ndokubva ndazvitsiura ndipo pandakapisira ipapo.
“Kumutsiura kwandakaita ndabatikidza mameseji mufoni make akabva atanga kundishungurudza.
“Ndinozviwachira nekuchisa ndega mbatya dzangu asi hama dziri kutoti ndine mudzimai,” akadaro Kelvin.
“Haadi kuzivikanwa kuti ari kuendepi kubva panguva yaakatanga kuita zve‘cross border’ asi imvumo yangu semurume wake kuziva. Foni yake ukaibata itori nyaya.
“Ndakaenda kuvafundisi nanatete kuti tigadzirisane asi tichibva ikoko akatotaura kuti varume vakawanda, ndivo vauchandirambira. Saka anoda dziviriro ipapa ndiani?” akadaro Kelvin.
Kudzai akabva amugamha achiti: “Hapana munhu wandinombodanana naye ini. Meseji yaakaona yaiva yemumwe DJ weparedhiyo wandaitokumbira kuti andiridzire nziyo yandaida iye ave kutoti ndodanana naye. Kana achifunga kuti kuenda kwandiri kuita kunohodha ndiri kuenda kuvarume ngaapote achienda neni.”
Mutongi Tendai Rusinahama akati zviri pachena kuti vaviri ava havagarisane zvakanaka saka akapa Kudzai gwaro redziviriro ndokuti vagarisane murunyararo.




