Kana zvamubata. . . anosvetuka jurahoro repanoshanda musikana

Yvonne Manyanja
VAMWE samusha vanonzi vatenderedzwa musoro nerudo rwavanopihwa neshamwarikadzi yavo zvekuti havachada kurambwa izvo zvave kuita kuti vasvike pakukwira mudhuri wejuraworo nekupwanya gonhi repamba paanoshanda mukadzi uyu vachida kuti vadzokerane.

Caroline Zange akaendesa Moses Williams kuHarare Civil Court achida kudzivirirwa.

“Changamire, ini nemurume uyu rudo rwedu rwakatsviriridza zvekuti haachakwanisi kusiyana neni. Ini ndave kutotya kudzingwa basa pamusana pake nekuti ave kuuya achisvetuka jurahoro pamwe nekupaza gonhi achikumbira rudo kwandiri. Chinondishamisa ndechekuti akandisiya achienda kunogara nemukadzi wake asi ave kuramba achingodzoka.

“Ini handichazvikwanisi nekuti murungu wangu akangozviziva kuti ndizvo zviri kupota zvichiitika basa rangu rinobva rapera.

“Ndikamuudza kuti handichamuda anotanga kupopota achindituka nemashoko asingaite, anotonyadzisira. Dzimwe dzenguva anototanga kundirova achiti haadi zvekurambwa saka ini ndatambura,” akadaro.

Akati Williams haana kumbobvira amuroora asi kuti vaingochaya mapoto.

“Akandiona ndakamira nevamwe varume pabasa pangu anotanga kupopota achiti ndiri kumutsvagira zvikomba. Ini handichadi kuti asvike pabasa pangu panove pandiri kugara nekuti ave kukonzeresa bongozozo namabhasa angu,” akadaro Zange.

Williams akaudza dare kuti anotoshamiswa nechikumbiro chaZange sezvo vachiri kudanana.

“Ndiri kutoshamiswa kuti nyaya iyi ndiyo yandaunzirwa kudare isu tichipinzana mumba mabhasa vemusikana uyu vasingaoni. Chandinoziva ndechekuti murungu wake ndiye asingatode kundiona asi ini naye tichiri kudanana.

“Asi kana asisade hake kuti ndisvike kubasa kwake pakanaka handichatsikeko. Zvekuti ndinomurova zvaataura izvo handizvizive kana zvekumutuka zvaataura. Asi kana riri gwaro redziviriro raari kuda mupeyi henyu,” akadaro.

Mutongi Barbra Mateko akapa Zange gwaro redziviriro ndokuti vaviri ava vanzwisisane pakutaurirana kwavo.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×