‘Kanzuru inoremekedza tsika’

MUTAURIRI wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vanoti kunyangwe zvazvo vanhu vachipihwa nguva dzekuviga vashakabvu vavo, ivo sekanzuru vanoremekedza zvikuru tsika dzekuvigwa kwevafi dzinoitwa nemarudzi akasiyana.

“Ichokwadi kuti muno muHarare, kunyangwe kupi zvako, vanhu vanotenga makuva vopihwa nguva dzekuviga. Asi nyaya hombe ndeyekuti tinotaurirana nguva dzatinowirirana tose zvichifambirana nechivanhu chavo chavanoviga vafi, angava mangwanani, masikati kana zuva rodoka,” vanodaro VaChideme.

Vanoti vanocherechedza chivanhu chose, chingava chevanhu vemuno kana vekunze, sezvo mavigirwo evafi achisiyana rudzi nerudzi.

“Munyika muno mune tsika dzakasiyana, vamwe vanoviga zvitunha mangwanani, vamwe masikati koitawo izvozvo zvekuti kubva na12 kusvika na2 hakuvigwe zvitunha, zvinosiyana. Tinavo vamwe vanononoka kunoviga mitumbi yehama dzavo nekuda kwezvikonzero zvakasiyana apo vanotaura nevashandi vedu vekumahofisi emakuva,” vanodaro.

“Asi isu sekanzuru yeHarare regai ndizivise veruzhinji kuti nguva yedu yekuviga zvitunha inotanga na11 mangwanani kusvika na3 masikati. Apa ndipo patinowirirana nguva dzinodiwa nehama dzevafi kuti vavige vafi vavo, tinoitirawo kuti vanochera makuva vawane nguva saka tichizotanga na11.”

Vakapa muenzaniso wekuti kunyangwe vanoda kupisa mitumbi yehama dzavo vanoita izvi pasina dambudziko.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×