Kanzuru yeBuhera yovakisa zvikoro

Kingstone Mapupu
KANZURU yeBuhera Rural District Council inoti ine hurongwa hwekuvaka zvimwe zvikoro mudunhu iri kuitira kuti zvinge zvichikwanirana nehuwandu hwevana avo pari zvino vari kufamba nzendo refu kuenda kuchikoro.

Muhurukuro neKwayedza, sachigaro wekanzuru iyi, VaNgoni Musakaruka – avo vanovazve kanzura kuwadhi 19 – vanoti vari kushushikana zvikuru nenzendo dziri kufambwa nevamwe vana kuenda nekudzoka kuchikoro.

“Sekanzuru, tinotarisira kuvaka zvimwe zvikoro kana mukana wawanikwa sezvo tiine zvikoro zvishoma zvinoita kuti vana vedu vafambe nzendo refu kuenda nekudzoka kuchikoro. Sekuno kune Bangure Secondary, vana vanobva kure zvikuru sezvo vachifamba makiromita anodarika 15 pakuenda kuchikoro. Chikoro ichi ndicho choga chine Form 6,” vanodaro.

Vanoti kune vamwe vana vanobva kure vanoroja dzimba mumisha iri pedyo nechikoro ichi nemunzvimbo yemabhizimisi yekwaBangure.

Mamiriro ezvinhu akadai, vanodaro Kanzura Musakaruka, ane njodzi sezvo vanasikana vachigona kupedzisira vosiira chikoro panzira vapihwa mimba kana nekuda kwezvimwewo zvikonzero.

“Tine mabhodhingi maviri muno anoti Nyashanu neMakumbe izvo tinoti dai tavakirwawo imwe muno asvika pamatatu. Tine Hande Secondary zvakare iyo yave kutangawo kuva bhodhingi iri kutora vasikana chete pari zvino.” Zvakadai, Kanzura Musakaruka vanoti kanzuru yavo iri kushingairirawo kuvandudza migwagwa yepamabhizimisi eMurambinda Growth Point nemimwewo midiki yemunzvimbo iyi.

“Migwagwa yedu muno maMurambinda yanga yaipa zvikuru, saka tiri mubishi kuigadzirisa zvichireva kuisa giravhera netara. Ibasa rave padanho repamusoro iro ratinotarisira kuti rinopera munguva pfupi iri kutevera,” vanodaro.

Related Posts

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×