‘Karate handi zvimbokoma’

Abel Ndooka
SHASHA yekarate, Sensei Thomas Chiwomba, anoti mutambo uyu hausi wekukurudzira vatambi kuti varwe nevanhu asi kuti unotodzidzisa uye kukurudzira runyararo nekuzvibata.

Anoti vatambi vekarate vane tsika yekurwa nevamwe vakatorasika zvikuru.

“Mutambi wekarate pazvimbokoma haana kumira zvakanaka izvozvo tinozviziva nekuti anogona kukuvadza munhu.

Asi isu hatikurudzire mhirizhonga pakarate yatinofundisa, kwete. Tinoda runyararo uye kuzvibata saka vaye vanoita karate yemhirizhonga vakatorasika zvikuru.

“Saka tinotovakurudzira kuti huyai kuZKU tikudzidzisei karate yemazvo,” anodaro Chiwomba.

Anoti zvirongwa zvegore ra2020 zvose zvakaenda mudondo nekuda kwechirwere cheCovid-19 icho chakakonzeresa kuti mitambo yose imbomiswa senzira yekudzivirira kupararira kwacho.

Chiwomba, uyo anove technical director kuKyokushin Nakamura iri pasi peZimbabwe Karate Union (ZKU), anoti gore ra2020 vatambi vazhinji vekarate vaifanirwa kunokwikwidza kune mitambo yakawanda munyika muno nekunze kwenyika asi zvose hazvina kubudirira nekuda kweCovid-19.

“Gore rino, tarasikirwa nemitambo yakawanda uye mitambo iyi ndiyo mimwe yange ichiraramisa vatambi vakawanda. Asi chatinoziva ndechekuti hupenyu hwevanhu ndihwo hwakakosha uye tinohutungamidza pamberi.

“Vatambi vekarate vanopedza nguva zhinji vachiita gadziriro dzavo saka vanozoda kuenda kunokwikwidza kumitambo yakasiyana kuti vawane zvinovararamisa,” anodaro Chiwomba.

Anoti iye zvino apo nzvimbo dzinoitirwa karate dzakambovharwa vave kutyira kuti vatambi vazhinji vanogona kufuririka vakagara kudzimba dzavo pasina zvavari kuita.

“Chinhu chave kutyisa kuti vatambi vedu vanogona kufuririka vari kumaraini kwavanenge vari ikoko, vakasatariswa vanorasika uye tinovatyira zvikuru.

“Vanoda kugara vachingotariswa uye vachipihwa mabasa ekuita kuti vasarasike muhupenyu hwavo,” anodaro Chiwomba.

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×