Kingstone Mapupu
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege.
Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku Gava, kwaMambo Madyangove, kwaChivi, kuMasvingo, uye achishanda muchitoro cheEcoCash panzvimbo yemabhizimusi yeKrima, kuGokwe — akabvisa mari inokwana US$300 muagent account yebasa, ndokuiisa mumutsara wenhare yake yeEcoCash.
Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti murume uyu akaedza kuzama noto nekushandisa mari yekambani kutamba njuga zvinhu ndokuzoenda nepasipo, mari yose ndokunyura.
“Murume uyu akabvisa mari iyi nomusi wa19 Gunyana nenguva dza1000 hours gore rino ra2026, ndokuenda kunotamba njuga yeKandege, uko akadyiwa mari yose iyi US$300,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanoti murume uyu akavhunduka apo akaona kuti akange adyiwa mari yose yebasa, achibva anwa mapiritsi ekuchengetedza chibage, ndokumhanyiswa kukiriniki yeKrima uko akanofa apo aibatsirwa.
“Mapurisa ari kugara achipa yambiro kune voruzhinji nokuda kwevanhu vanotamba njuga sezvo vakawanda vari kuzviuraya vadya mari yebasa kana yevamwewo vanhu, uye tinokurudzira voruzhinji kuti vatsvage vayananisi kana paine zvavanetsa
pakurarama,” vanodaro Insp Mahoko.




