‘Karimbo itsinga inobata rurimi’

MUMWE mazvikokota panyaya dzechivanhu anoti dambudziko rekarimbo rinowanikwa kuvanhu nekumhuka, izvo zvinoita kuti pave nedambudziko rekudya zvakanaka pamwe nekutaura.
VaFriday Chisanyu, vanove mukuru wesangano reZimbabwe National Practitioners Association, vanoti karimbo itsinga inobata rurimi iyo inofanirwa kuchekwa kuti rurimi rugokwanisa kushanda zvakanaka.

“Dzimwe nguva tsinga iyi inodambuka yoga uye kana ichinge yarega kudambuka yoga ndipo painochekwa nenyanzvi, zvikuru vanachiremba vakadzidzira basa. Kare zvaiitwa nemachembere aikwanisa izvi asi zvino isu tave kukurudzira kuti vana ava vanochekwa nanachiremba vakafundira basa,” vakadaro VaChisanyu.

Vanoti pasi pemutemo wesangano ravo, hazvibvumidzwe kuti nhengo dzavo dzicheke miviri yevarapwa.
“Kune machiremba edu anocheka karimbo kungava nereza kana chii chavangashandisa, imhosva chaiyo,” vakadaro VaChisanyu.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×