Kasikana koratidza hunyanzvi

MUSIKANA wechidiki wekuChitungwiza ari kushura mare nehunyanzvi hwekugadzira dovi renzungu rakasanganiswa nemishonga (herbs), iro raanoti rinobatsira mukudzivirira zvirwere zvakasiyana.

Valentine Shoti (18), uyo ari kuita Form 4 paZengeza 1 High, kuChitungwiza, anoti akagadzira dovi rinodaidzwa kuti Super-Plus Peanut butter.

“Dovi iri rakati siyanei nerimwe ratagara tichiziva. Ndakarisiyanisa nerimwe pakuti iro ndakarisanganisa nemaherbs anova anobatsira kurapa zvirwere zvakasiyana kana munhu akaridya.

“Rine zvimwe zvinhu mukati zvekuti rinokwanisa kurapa zvakaita sechikosoro uye kuuraya makonye emudumbu. Rinodzivirira zvakare munhu kuti asafufutirwe pamwe nekuti asaite chirungurira. Dovi iri rinotora makore maviri kuti rizoshata kana kuwora,” anodaro Shoti, uyo anoratidza kuti ane chipo chezvehutsanzi.

Anoti anofarira kugadzira zvekudya nezvekuzora kuburikidza nemishonga.

“Ndakambogadzira tsvutugadzike inobatsira kuti munhu asanetseke pakuenda kuchimbuzi, inosunungura mudumbu. Ndakambogadzirazve mafuta ekuzora neekupfapfaidza nesipo yekugezesa yandakagadzira nemadota nemaherbs.

“Ndiri kushuvira kuti ndizova muzvinabhizimisi mune ramangwana, kuti ndizogadzira zvinhu zvose izvi ndichizvitengesa.

“Dambudziko nderekuti handisati ndava nemari yekuti ndigadzire zvinhu zvangu zvakawanda nekuti handina kwandinoiwana. Kana kuine vanokwanisawo kundibatsira kuti ndisimudzire chipo chandinacho ndingafare,” anodaro mwana ari kurerwa naambuya vake uyu.

Related Posts

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Keith Moyo otevera matsimba ababa

Abel Ndooka MUTAMBI wenhabvu wechidiki ari kusimukira — Keith Moyo (13) — ari kutevera mumatsimba ababa vake, Godfrey “Goda” Moyo, avo vakaita mukurumbira vachitambira zvikwata zvinosanganisira Motor Action, Lengthens nemaWarriors.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×