PRESIDENT Mugabe nemusi weChipiri svondo rino vakadzoka kumusha vachibva kunyika yeRussia uko vakange vashanya ndokuita hurukuro nemutungamiriri wenyika iyi, VaVladimir Putin, dzakanangana nekusimudzira upfumi pakati penyika iyi neZimbabwe.
Vachitaura vari panhandare yendege yeHarare International Airport vachangosvika kubva kuRussia, gurukota rezvinoitika kunze kwenyika, Cde Simbarashe Mumbengegwi, vakati rwendo rwaPresident Mugabe kuRussia, rwekutanga kubvira 1987, rwakanyora nhorowondo itsva pakudyidzana kwenyika mbiri idzi.
“Rwakange rwuri rwendo rwakakosha zvikuru. Hongu, kwaive nemhemberero, asi kwatiri hurukuro dzakaitwa pakati paPresident Mugabe naPresident Putin dzakakosha zvikuru,” vakadaro.
Mhemberero huru dzaive kuRussia dzakanga dziri dzekupemberera kusvitsa makore 70 masoja enyika iyi arakasha ekuGermany panguva yehondo yechipiri yenyika dzepasi rose, yeWorld War II.
Cde Mumbengegwi vakati kudyidzana munyaya dzeupfumi pamwe nekutengeserana pakati peZimbabwe neRussia kwakatanga nguva yadarika uye pane mukana mukuru wekuti kurambe kuchisimudzirwa.
“Zvakakosha kuti vatungamiriri vaviri ava vaite hurukuro pamusoro pezvinhu zvakasiyana, izvo vakaita, nyaya dziri pamusoro pezviri kuitika pasi rose pamwe nekudyidzana. Panyaya dzekudyidzana, takakurukura pamusoro pokusimbaradza mushandirapamwe muzvikamu zvose zveupfumi,” vakadaro.
Apo vaive kuRussia, President Mugabe vakaita hurukuro navanamuzvinhabhizimisi veko avo vari kutsigira chirongwa chekucherwa kweplatinum neUS$4 bhiriyoni kuDarwendale, rinova danho guru munyaya dzekusimudzirwa kweupfumi kubvira Zimbabwe yakawana kuzvitonga muna 1980.
Ongororo yakatotanga kare pamugoghi uyu, uye basa rekuchera richatanga munguva pfupi iri kutevera.




