Kiriniki itsva ichabatsira 20 000 kuChingwizi

SANGANO reNational AIDS Council of Zimbabwe (NAC) rakabatsira mukuvakwa kwekiriniki itsva kuChingwizi, kuMasvingo, iyo inotarisirwa kuyamura vanhu vanodarika 20 000.

Vachitaura neKwayedza nguva pfupi yadarika, NAC provincial co-ordinator kuMasvingo, VaEvos Makoni, vakati kiriniki yeChingwizi Health Facility Centre yava kutopera uye ichabatsira zvikuru mukusimudzira nyaya dzeutano munzvimbo iyi.

“Nzvimbo yeChingwizi iri kugara vanhu vakabviswa kumisha yavo nekuda kwemafashamu akaitika kudhamu reTokwe Mukosi. Vanhu ava vakasangana vemadzinza nemarudzi akasiyana. Kiriniki iyi basa rayo guru kupa vanhu ruzivo pamwe chete nemishonga zvekudzivirira zvirwere, kunyanya HIV neAIDS. Tiri kuivaka tiri pasi pehurongwa hwebazi rezveutano nekurerwa kwevana,” vanodaro VaMakoni.

Vanoti vane hurongwa hwekuti pavakwe imwe kiriniki panzvimbo iyi nekuda kwehuwandu hwevanhu varipo.

Mumwe wevagari vekuChingwizi, Mai Getrude Masiya, vanoti nzvimbo yavo ichiri kutarisana nedambudziko rekushomeka kwemakirika.

“Vamwe vanhu vachiri kufamba netsoka makiromita akati kuti vachiuya kuno kuzorapwa.

‘‘Hakusati kwava nemakiriniki akawanda asi kuti zvikoro. Dai zvaibvira pakanzi pane chikoro pose paiswewo nechipatara zvaigona kutibatsira chaizvo.

“Vamwe vanhu vachiri kuita zvekumukira kana kuma4 mambakwedza vachizosvika pakirinika masikati uye tinenge takawanda zvekuti vamwe vanozopedzerwa husiku apa vachidazve kufamba nzendo refu kudzokera kudzimba dzavo,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×