‘Koshesai kodzero dzevanhukadzi’

Muchaneta Chimuka
SANGANO reWomen’s Coalition of Zimbabwe (WCoz) nemusi weChipiri rakaita musangano muguta reHarare wekurwira kodzero dzemadzimai paine kurudziro yekuti vanhukadzi vanofanirwa kuwaniswa mikana yakaenzana nevanhurume, mungave mumabasa nekumwe.

Madzimai akapinda muchirongwa ichi akabva kumatunhu gumi enyika uye akawaniswa mikana yekukurukura maringe nemabhindauko avari kuita senzira yekuti vasimukire muraramo yavo.

Chirongwa ichi chakaitwa pasi pedingindira rinoti, “Kuenzaniswa kwemikana pakati pemadzimai nevarume kunosimudzira upfumi hweZimbabwe.”

Mai Ronika Mumbire vanova sachigaro webhodhi reWCoz vanoti dingindira iri rakasarudzwa zvichifambirana nemamiriro akaita upfumi hwenyika.

“Zviri pachena kuti upfumi hwenyika huri kuramba huchiderera zvinova zvinoita kuti madzimai mazhinji aomerwe sezvo vari ivo vanotarisana nematambudziko emhuri. Tinofara nematamho ari kutorwa neHurumende ekuona kuti upfumi hwenyika hwadzoreredzeka seapo pakaunzwa mari yemuno pachirambidzwa kushandiswa kwemari yekunze zvisinei nekuti zvinhu zvinodiwa mukurarama zviri kuramba zvichikwira mitengo,” vanodaro.

Mai Mumbire vanokurudzira madzimai kuti aite mabhindauko anovararamisa.

“Tinofara kuti tine madzimai ane chitsama ari kuratidza kugona kuita mabasa anowanza kutorwa seevarume bedzi vachizivawo kodzero dzavo sevashandi. Tiri kushanda nemadzimai echidiki, vakaremara nevari mune zvematongerwo enyika tichivatsigira mumabasa avo, vanoita mabasa ezvicherwa, kuvaka, kuveza kana mamwe ari pasi-pasi,” vanodaro.

Vachitaura pagungano rimwe chete iri, Mai Devine Ndhlukula, avo vanova chanangwiza wekambani yeSECURICO vanoti madzimai ane zvigaro zvepamusoro anofanira kutsigirawo vamwe vanhukadzi kuti nyika ibudirire.

“Ini ndine kambani ine vashandi vanodarika 4 000 asi zvakabva mukuterera mazano evamwe nekuzoshandawo nesimba. Kunze kwekambani yangu inova iri kundiitisa zviuru nezviuru zvemadhora, ndakafunda zvakare nezvebhizimusi rekuchengeta mbudzi rinova riri kundifambira zvikuru. Saka ngatiregedzei kutora mazano atinopihwa nevatsigiri vedu sedambe nekuti anotiraramisa,” vanodaro.

Kambani yeSECURICO yakahwinha mibairo yakawanda yekugona basa uye munguva yadarika yakahwapura weLegatum Africa Awards for Entrepreneurship.

Mumwe wemadzimai zvakare anova chidadiso ndiVerity Bosha, managing director wekambani yeEvergreen Construction and Land Developers, uyo anoti ari kuwana mari yakawanda nemabasa ekuvaka.

Pamusangano uyu, madzimai akafundiswa kuti kugarira maoko hakuna chimuko sezvo kuchiunza mweya weumbavha kana chipfambi.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *