Koshesai kugeza mawoko: Parirenyatwa

ZIMBABWE svondo rapera yakabatana nedzimwe nyika pasi rose mukucherechedza zuva rekukosha kwekuchengetedza utano kuburikidza nekugeza mawoko (Global Handwashing Day).
Zuva iri rakaona kambani yeUnilever ichibatana nemapazi akasiyana anosanganisira reutano nekurerwa zvakanaka kwevana, redzidzo yepuraimari nesekondari nerinoona nezvenharaunda, mvura nemamiriro ekunze paKwayedza High School, kuHighfield, muHarare.

Vachitaura pachiitiko ichi, gurukota reutano nekurererwa zvakanaka kwevana, Dr David Parirenyatwa, vakati veruzhinji vanofanira kukoshesa kugara vachigeza mawoko avo sezvo izvi zvichibatsira mukudzivirira kupararira kwezvirwere.

“Kudzivirira zvirwere kunobva mukugeza mawoko munhu achibva kuchimbuzi zvakare nepakubata nekudya chikafu. Ndiwo mushonga mukuru kuzvirwere zvose zvemanyoka. Takatarisana nezuva ranhasi, taona kuti kugeza mawoko kwakatikoshera nekuti zvirwere zvizhinji zvinotapukira kuburikidza nezvinhu zvatinobata nemawoko edu.

“Tinodawo kutenda Unilever nekubatana nebazi redu mukushambadza nekuchengetedza utano hwevanhu kuburikidza nekuita zvirongwa zvakadai pamwe nekutigadzirira sipo. Tinotarisira mamwe makambani kuti vapotewo vachibatana neHurumende mukusimudzira nyika yedu munyaya dzeutano,” vakadaro Dr Parirenyatwa.

Director webazi rezvenharaunda, mvura nemamiriro ekunze, Muzvare Tatenda Maokomatanda, vakati kuwanikwa kwemvura yakachena neveruzhinji ndiwo musimboti weutano.

“Mvura ndiyo musimboti hweutano neutsanana pamwe neupenyu nekuti ndiyo ine basa guru. Asi kunyangwe mvura yava shoma zvekutoita mwedzi nemwedzi kusina mvura mumatepi, tiri kuzama nepatinokwanisa kuchera zvibhorani munzvimbo dzine dambudziko,” vakadaro Mai Maokomatanda.

Mutevedzeri wemutungamiriri weUnilever Southern Africa, Mai Nancy Guzha, vakati sekambani inogadzira zvinhu zviri maererano nekuchengetedza hutsanana, vanoda kuona zvigadzirwa zvavo zvichipa pundutso kunyika.

Zvakadaro, veUnilever vakadzidzisawo veruzhinji pamusoro pekukosha kwekuti munhu agare akatsvinda.
Vakapawo tangi remvura rinotakura marita 5 000 kuchikoro cheRusvingo Primary School, chiri kuHighfield kwekare.

 

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×