‘Koshesai utano hwevashandi’

Steve Mapfumo
MURIMI anobatsirikana zvikuru kana achigara achiona mafambiro ebasa papurazi rake achikoshesa utano hwevashandi sezvo kana vasina utano hwakanaka zvinodzosera budiriro kumashure.
Vashandi vanogona kukanganiswa utano hwavo kuburikidza nekushandisa kwavanoita mishonga yezvirimwa yekuuraya tumbuyu kana tumwe tupukanana uye vamwe vacho vanenge vasina nhumbi dzinovadzivirira kubva kumishonga iyi.

Mimwe mishonga inoshandiswa inogona kukanganisa nharaunda kwenguva yakareba.

Inokanganisa zvakare utano hweveruzhinji nekukonzera zvirwere zvakaita segomarara.

Vamwe varimi vanorega vashandi vavo vachishandisa mishonga iyi vasina ruzivo rwakakwana rwemashandisirwo ayo.

Kurwara kwevashandi vepapurazi nekuda kwekusashandiswa zvakanaka kwemishonga yezvirimwa kunokonzera kudzikira kwebasa nekudaro panofanirwa kutorwa matanho ekuona kuti mishonga iyi iri kushandiswa zvakanaka.

Ongororo yakaitwa muZimbabwe inotaridza kuti kushandiswa kwemishonga yemuzvirimwa kwakakura zvikuru, paine mishonga inodarika 44.

Mishonga iyi iri kushandiswa zvakasiyana nekuda kwekuti vamwe varimi vane pfungwa dzekuti nzira chete yekukasika kupedza dambudziko retumbuyu kufirita zvirimwa nemishonga yakasiyana.

Zvakaonekwa zvakare kuti varimi vanoshandisa mishonga apo vanenge vachitevedzera nguva yainofanirwa kunge ichishandiswa vasinganyanyofunge pamusoro penjodzi kuutano hwevanhu pamwe nekukanganisa kwainogona kuita nharaunda.

Kubva muongororo yakaitwa iyi, zvakabuda kuti kushandiswa kwemishonga yezvirimwa iyi kunogona kukonzera kuti munhu ashaye mbereko kana kubva pamuviri kuvanhukadzi.

Ibasa remurimi wose kuona kuti vashandi vake vakachengetedzeka kubva kunjodzi dzinogona kukonzerwa nemishonga iyi.

  • Steve Mapfumo ndiHead of Operations weZanu PF Youth League and Lasch Enterprises P/L Joint Venture. Vanokwanisa kubatika panhamba dzinoti (04) 668773 kana padande-mutande rinoti [email protected]

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×