‘Koshesai vanasikana’

Daphne Machiri
GURUKOTA revechidiki, mitambo nezvekuvaraidza, Dr Kirsty Coventry, vanoti zvakakosha kupa vanasikana mikana yakaenzana nevanakomana mune zvakasiyana kuti vave neremangwana rakanaka. Vakataura mashoko aya muHarare svondo rapera pazuva rekupemberera kukosha kwevanhukadzi pasi rose, reInternational Women’s Day.

“Vanasikana ngavachengetedzwe, vanofanirwa kupihwa kodzero yekuenda kuchikoro pasina rusarura pamwe nekuti vawane zvekushandisa panguva yavo yekutevera sevanhukadzi semasanitary pads.

“Vamwe vanasikana vari kusiira chikoro panzira nekuda kwezvikonzero zvinosanganisira kuroodzwa vachiri vadiki inove tsika yakaipa zvikuru,” vanodaro.

Dr Coventry vanoti vanasikana vanofanirawo kupihwa kurudziro yakanaka muupenyu kwete kutarisirwa pasi.
Mashoko avo anotsinhirwa nachamangwiza weZimbabwe Olympic Committee (ZOC), Mai Anna Mguni, vachiti zvakakosha  kusimudzira matarenda evanasikana uyewo nekuvawanisa dzidzo.

“Kuti tizopemberera zuva revanhukadzi pasi rose, zvinotangira mukusimudzirwa kwemwanasika achiri mudiki. Tichashandura upenyu hwevanasikana nemadzimai kubudikidza nemitambo,” vanodaro Mai Mguni.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *