Kubika machipisi nesoseji

MACHIPISI ane soseji anonaka zvikuru kana achinge abikwa zvine unyanzvi uye kudya kwemazera ose. Svondo rino VaMasimba Chekero vekuZaka vanotsanangura mabikirwo emachipisi ane soseji.

Zvinodiwa:
Mbatatisi, matomatisi, hanyanisi, soseji, munyu, mafuta, chip spice.

Mabikiro:
Menya mbatatisi wodzigeza. Dzicheke-cheke muzvidimbu zvidiki wodzipukuta kubvisa mvura.
Isa mafuta akati wandei mupoto wokanda mbatatisi imomo.
Kana machipisi aibva anoonekwa nekutsvukirira.
Machipisi anofanira kubviswa mupoto achiri kupisa kuitira kuti asanwe mafuta.
Chitora soseji urikange asi uchicheka-cheka kuti riibve zvose nemukati.

Wozodii?
Gadzira salad yematomatisi, magaka nehanyanisi parutivi.
Mwaya chip spice pamachipisi wobva wazoabura. Kana wadai, chibura unakirwe nemhuri!

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *