Kuchanaya mvura ine dutu: MET

MVURA inotarisirwa kunaya yakawanda zvikuru munyika yose kubvira neChitatu chino kusvika neChishanu.

Matunhu anosanganisira Masvingo, Midlands, Mashonaland East neManicaland ari kutarisirwa kunaya mvura inodzika pasi zvekudarika 50mm mukati memaawa 24.

Mvura iyi inogona kunge iine dutu pamwe nekupenya kwakanyanya.

Kunaya kuchange kuchiita mvura ine simba iyi kune njodzi huru kuupenyu hwevanhu sezvo miti inogona kudzurwa zvichikonzera kuparara kwezvivakwa nezvimwe.

Veruzhinji vanokurudzirwa kuti vapinde mumba kana munzvimbo dzakavharika kana kuchinaya uye kuti vasayambuke nzizi dzinenge dzakazara.

Bazi reMeteorological Services Department richaramba richizivisa veruzhinji mamiriro anenge akaita kunze pamwe nenjodzi dzinogona kuitika. – Meteorological Services Department

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *