Kuchengetwa kwezvipfuyo

VARIMI vezvipfuyo zvakaita senguruve avo vanowanzosangana nematambudziko ekushaiwa mvura yakakwana mukuita basa ravo vobatsirikana zvikuru nekuda kwemichina yemadiridziro yechitsoka-tsoka yeMoneyMaker Irrigation Pumps.

Michina iyi inokwanisa kudhonza mvura kubva murwizi kana dhamu kwemamita 45 kusvika panenge paine danga renguruve nekudaro mvura iyi inokwaniswa kushandiswa mukugeza matanga, kunwa kwezvipfuyo izvi pamwe nekuzvigeza.

Managing Director wekambani yeBlagefields Marketing (Pvt) Limited, VaBrain Vere, vanoti pombi dzeMoneyMaker Irrigation dzakakoshera varimi vose vangave vezvipfuyo kana vezvirimwa zvemuminda.

“Kuvarimi venguruve tinoona zvakakosha kuti vange vachishandisa pombi idzi nekuti matanga enguruve anofanira kugara akatsvinda kuburikidza nekugezwa nemvura yakawanda. Kushaikwa kwemvura mumatanga enguruve kunomutsa zvirwere pamwe nekuvagari vemunharaunda dzinochengetwa nguruve dzacho nekuti tsvina iyoyo inokoka nhunzi neutachiona,” vanodaro.

Vanoti idzo nguruve dzacho kuti dzinge dziine utano dzichikwezva vatengi dzinofanira kugezwa nemvura inomhanya pachishandiswa mabhurashu nokudaro MoneyMaker Irrigation Pumps inoshandiswa mubasa iri sezvo ichiunza mvura inenge iine puresha kana kuti inomhanya.

“Kushambidza nguruve dzako neMoneyMaker Irrigation Pumps kuri nyore nekuti kunyangwe dzakawanda zvakadii hazvitore nguva ndefu uye hazvidi vashandi vakawanda kuti vange vachibata basa iri.

“Zvakare, nguruve dzinoda kunwa mvura kuti dzinge dzichirarama saka nzira iyi iri nyore mukuwanisa nguruve mvura yakachena nguva nenguva,” vanodaro.

VaVere vanoti kunyangwe panguva yekufirita zvishambwe netwumwe twupukanaka twunokanganisa utano hwenguruve, madiridziro eMoneyMaker Irrigation Pumps anoonekwa achishanda zviri nyore.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×