Kudetemba nezverudo

Munyaradzi Gunduza —
2. BURITSA pachena zviri kutaurwa navananyanduri pamusoro perudo munhetembo shanu dzinobva mubhuku iri. [25]

Mudetembo rinonzi, “Zvinoda Moyo” rakanyorwa naSharon Ngomani munobuda dingindira rerudo uye nyanduri anotsanangura rudo rwaanotarisira kumudiwa wake.

Nyanduri anotsanangura kuti anoda kuti mudiwa wake amubate zvinyoronyoro zvinoita kuti hana yake idzikame seapo anoti, “Ndopondonzwa kunzwa kuda anotsvanzvadzira, anonyatsondikwenya zvinyoronyoro achinyatsodzikamisa muviri wangu.”

Mudetembi anotsanangurawo kuti anoda kuti mudiwa wake amugumbatire, uye kumuimbira sekacheche kusvikira hope dzake dzabata. Mudetembo iri zvakare nyanduri anoburitsa pfungwa yekuti anoda kugara nemudiwa wake ari pedyo, uye achinzwa inzwi rake sepaanoti, “Mwoyo wangu unokuda pedo neni zuva nezuva, unoda kuti ndigare ndichinzwa inzwi rako.”

Rimwe detembo rine dingindira rerudo nderokuti, Enda nerugare rakanyorwa naMildred Jaricha. Nyanduri ari kurwadziwa nekurasiswa kwaakaitwa nemudiwa wake murudo apo ainge aine tariro yokuti vachawanana, saka pari zvino ainge azvijaira zvevanhu vanonyengedza murudo.

Nyanduri anorwadziwa kuti aive nerudo rwechokwadi kumudiwa wake, kwete rwokuda pfuma kana mari yemunhu asi mudiwa wake haana kuzvitarisa zvose izvi, asi akangomuramba zvisinei nerudo rwechokwadi urwu sepaanoti, “Makaro emari kana pfuma yako ndakatsvairira kure, asi iwe wakandibhadhara nounyengeri.”

Mudetembi anoburitsa kuti aiedza nepose paanogona kuchengetedza rudo rwake nomudiwa wake kuti rusabvutwa navamwe vanhu, asi zvose izvi mudiwa wake haana kuzvikoshesa sezvo akangomuramba zvakadaro, sepaanoti, “Wakazvidzura pakati pemwoyo pandaive ndaviga rudo rwedu, rwandairinda mangwanani nousiku kubva kumbavha.”

Mudetembo iri nyanduri anoburitsa kuti ainge adzidza kubva pakunyengedzwa kwaainge amboitwa kumashure, saka ainge asingachabvumi zvekunyengedzwa zvakare murudo, seapo anoti, “Chakatanga ndicho chakachenjedza, ndinotenda zvose zvawakaita kwandiri.”

Rimwe detembo rine dingindira rerudo nderokuti, “Wakandijaidza” rakanyorwa naSharon Ngomani.

Nyanduri ari kuudza mudiwa wake kuti ndiye akamuregeredza achirarama upenyu hwekudya nenyama, kugeza nesipo inonhuhwirira uye kufamba vakakochekerana muchiuno semucherechedzo werudo saka aisafanira kushandura upenyu hwaainge ajairira nokuti ndiye akamujaidza maitiro aya.

Nyanduri anozivisa mudiwa wake kuti ndiye akamujaidza kumufonera kana zuva rangonyura saka kana richinge ranyura anenge ototarisira kunzwa mudiwa wake achifona seapo anoti, “Parinonyura muna mai varo, ziso jii kudzvokora kumbozhanhare nekutoinzwa kuhope ichirira.”

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *