Kudiridza nzimbe nyore

VARIMI venzimbe avo vange vakatarisana nedambudziko munyaya dzemadiridziro vobatsirika  zvakanyanya kuburikidza nekushandisa michina yeMoneyMaker Irrigation Pumps.VaBrian Vere vanove mukuru wekambani yeBlagefields Marketing (Pvt) inogadzira michina iyi kuBelvedere, muguta reHarare vanoti madiriziro eMoneyMaker Irrigation Pumps akakoshera varimi venzimbe avo vanowanzonetseka pakudiridzira minda yakakura.

“NeMoneyMaker Irrigation Pumps varimi vanowana zororo nekuti zvinongoda vanhu vaviri bedzi vanoti mumwe anenge achitsika-tsika kuchitsoka-tsoka kunobva nemvura mumwe akabata pombi achidiridza kwechinambwe chemamita 45 kana kudarika.

“Madiridziro aya anoita kuti makambani makuru akadai sanaTriangle Sugar Limited, Hippo Valley neMkwasine Estates asadhurirwe nekupinza vashandi vakawanda basa, zvikuru panguva ino yekunetsa kwemari.

“Makambani iwayo haadhurirwe zvakare nekuti madiridziro emhando iyi haadi simba remagetsi, dhiziri kana peturu,” vanodaro VaVere.

Vanoti kuburikidza nemadiridziro eMoneyMaker Irrigation Pumps, vashandi nevashandirwi vanorerukirwa nebasa.

“Nzimbe dzinodiridzirwa nemadiridziro eMoneyMaker dzinokura zvakanaka dzichiita muto wakawanda apo dzinosvinwa kumichina inogadzira shuga kureva kuti shuga yakawanda inogadzirwa nenzimbe shomanana zvichiita kuti makambani afambirane nechirongwa cheHurumende cheZim-Asset icho chine donzvo rekusimudzira mahindasitiri emuno,” vanodaro.

 

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *