‘Kudya kwakanaka ikodzero yemunhu’

HURUMENDE yakazvipira kuona kuti munhu wese awana kudya kunovaka muviri uye kwakakwana sezvo iri kodzero yechizvarwa chose chenyika ino.

Mashoko aya akataurwa svondo rapera pamusangano wakaitwa nesangano reFood and Nutrition Council muHarare apo paidzidziswa vatori venhau maringe nekushambadza kukosha uye kusimudzirwa kwekudya kunovaka muviri.

Vaiva muyenzi anoremekedzwa pachiitiko ichi, mutevedzeri wemukuru kuchikamu cheNutrition Services kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, Mai Ancikaria Chigumira, vakati ibasa reHurumende nemasangano akazvipira kuona kuti munhu wese awaniswa kudya kunovaka muviri uye kwakakwana.

“Nyaya dzekudya kunovaka muviri hadziwanzotariswa zvakasimba sezvo vanhu vachinyanya kutarisa kuwanikwa kwechikafu bedzi. Zvakakosha kuti tinge tichiona kuti chikafu chese chatinodya chine kudya kwakakoshera muviri kunova kunodzivirira kuzvirwere zvakaita seBP, shuga, kusimba kwakanyanya, kana kuondoroka (kwashi) nezvimwe,” vakadaro Mai Chigumira.

Vakati ibasa revatori venhau kuti vafundise ruzhinji nezvekukosha kwekudya kunovaka muviri, zvikuru kudya kwechinyakare kwakadai sesadza rezviyo, mupunga kana munyemba une dovi nezvimwe zvisina mafuta akawanda.

“Tinoda kuti rudzi rwatiinarwo rwechizvino-zvino rwudzokere kuchikafu chemakare-kare nekuti ndizvo zvaiita kuti vanhu ivavo vararame kwenguva ndefu.

Chero mubumbiro remutemo ra2012 rinotaura kuti kudya kwakanaka ikodzero yemunhu wese, kusanganisira kuvanhu vanotambura nevana vanorarama mumigwagwa,” vakadaro.

Mumashoko avo akaverengwa, VaGeorge Kembo, vanove Director weFood and Nutrition Council, vakati pane mitemo yakadzikwa inotarisa kuwaniswa kwekudya kumunhu wese.

Vakakurudzira madzishe kuti atsigire chirongwa chekuwaniswa kwezvekudya ichi kuburikidza nekuita Zunde raMambo apo vanhu vanozvirimira kudya kunoiswa mudura rinogara kwamambo.

Muzvare Miriam Banda, avo vanove National Nutritionist kubazi rezveutano, vakati kushaikwa kwekudya kwakakwana muZimbabwe kuri kukonzera kusakura zvakanaka kwevana.

“Madzimai akazvitakura, anoyamwisa nevana vari pasi pemakore maviri ekuzvarwa vanofanira kuwaniswa kudya kwakakwana.

Kukundikana kwavo kuwana kudya kunovaka muviri kunoita kuti munyika munge muchizvarwa vana vasingakure zvakanaka, vanoita kwashi, mateya, kutadza kuona zvakanaka uye kusarodzeka kwenjere,” vakadaro Muzvare Banda.

Mukushi wemashoko kuWorld Food Programme, VaThompson Phiri, vakatiwo sangano ravo rine mabhindauko ariri kuita kudunhu reMutasa kuManicaland uko riri kupa madzimai akazvitakura nevari kuyamwisa kudya kunovaka muviri.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×