Kunyepera dare kwakamuparira

MUDZIMAI wekuChitungwiza wekunyepera dare kuti aive arohwa nemurume wake akaigochera pahutsi sezvo akatongerwa kubvisa faindi ye$50 uye kukundikana kwake kubhadhara mari iyi aizonodya refovhoro.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts, Lazarus Murendo, akapa Memory Machimbidze (35) chirango chekubvisa faindi iyi ndokuti kukundikana kwake aizonogara mujeri kwemazuva 20.

Muchuchisi Zuvarashe Mushayabasa akaudza dare kuti nomusi wa28 Gumiguru gore rino, Machimbidze akaendeswa kudare uko akanobvunzurudzwa nemuchuchisi Tafadzwa Makwande achibva adura kuti akange anyepera mapurisa kuti ainge arohwa nemurume wake, Kenias Marufu, izvo zvakaita kuti asungwe.

“Pazuva iroro ndakange ndanetsana nemurume wangu Kenias Marufu tichibva tatangisa kudhonzerana chiChester drawer.

Chokwadi ndechekuti ndakamhanya ndikanomhan’ara kuZengeza Police Station ndichiti ndainge ndarohwa nembama kumeso asi ndichinyepa hangu. Ndakaita izvi nekuda kwehasha nekuti akange achitaura mazita eshamwarikadzi dzake pamberi pangu. Handina kufurirwa nemumwe munhu kuti nditaure izvi,” akadaro.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×