Kudya ndiwo musimboti

Ticha Danga
“NHASI machikichori kwaMai Mudhindo. Tiri kudya nechiropa, tichibaya-baya nonariti”

Izvi zvinodudza kuti kwaMai Mudhindo kwaiva nemakuwerere chaiwo. Vanhu vaidya kudya kwepamusoro kwaida zvihwepura (zvipunu) neforogo. Zvinotaura zvoga kuti kudya kunodiwa zvisinei kuti kwakadini.

Chakakosha kuziva kuti kudya uku kunogadzirwa sei. Mazuva ano kudya kwava fararira asi kare kwaiva nemhando dzezvekudya zvaivawo nemagadzirirwo azvo.

Chibage chakatsvokonyorwa chogoomeswa chinogona kutswiwa kana kudzvurwa.

Chinobikwa anonzi manhuchu kana kuti mashazhare. Mapfundewo anogona kudzvurwa obikwa mashagada.

Panodyiwa sadza ramauro panogona kusara rimwe rinozodyiwa mangwana mangwanani. Sadza rakarara rinonzi munya kana kuti murudza.

Vamwewo vanodaidza sadza iri kuti mukucha.

Muriwo wemumhodzi kana kuti mutikiti unobikwa woomeswa kuitira munguva yechirimo apo zvirimwa zvinenge zvaoma.

Muriwo iwoyo unonzi mufushwa kana kuti musone. Unodaidzwa zvakare kuti mutsotso. Nyemba nyoro dzinogona kubikwa namakanda adzo. Dzinodaidzwa kunzi mahove kana kuti mukove.

Chibage chakabikwa chakaomeswa chinonzi mumhare.

Mhodzi dzemanhanga dzinogona kukuiwa dzoumbwa kuita zvibhora dzozobikwa.

Dzinogadzira kudya kunonaka kunonzi mabumbe kana kuti undu.

Matamba anobikiswa bota rinonzi mudamba, munamba kana kuti munhandabota. Nguva yamazhanje vanhu vanogadzira bota rakakanywa nemuto wemazhanje. Bota iroro rinodaidzwa kunzi nhopi kana kuti dondore.

Chibage chakaoma kana chakabikwa chinonzi mangai kana kuti magwadya.

Mbeva kana majuru kudya kunopedzesa mikonde yesadza. Uku kudya kunonyanyonaka kana kwakaiswa mudovi.

Dovi rakakorerera riri mumbeva kana majuru rinonzi rujin’ini. Manhanga akabikwa pamwe chete netsanga dzechibage anonzi mukan’a.

Kuoma kwezvinhu kunoita kuti dzimwe nguva vanhu vashaye usavi hwekudyisa sadza. Vanogona kuririkita rakadaro sadza kuti vawane chinobata dumbu. Iri sadza risina usavi rinonzi nhemurwa.

Panogonawo kuita husavi hwakamanzwa huri hwenzungu. Usavi uhu hunonzi chidokohori kana kuti chinanzvirwa.

Dovi pacharo rinogona kukwatiswa risina chinhu kuita gwatakawata. Vamwe vanodaidza gwatakwata kuti nhakara kana kuti dakataka.

Kare vanhu vaiva netsika yekuuraya twumbwanana vobika kuita husavi.

Yainzi nyama yakapfava iyo yaidaidzwa kunzi mbudziruonje. Vamwewo ndivo vanodya nyama yemakudo kana tsoko. Nyama yemhuka idzi inodaidzwa kunzi nhongoruware.

Kana iri nyama yegweshadombo kana kuti gwavava inodaidzwa kunzi hukurutombo. Usavi hwemvura yakaiswa munyu hunonzi nhanhamuto kana kuti mutowavhumbu.

Nyemba dzakaomeswa dzinogona kukangwa dzomaranzwa paguyo dzozobikwa kudya kunonaka kunonzi rupiza.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×