Kudyarwa kwemiti kwotekeshera

RIMWE sangano rakazvimirira roshanda nemadzishe, vemachechi, makambani anotengesa fodya pamwe nemapoka akasiyana mukuvandudza masango kuburikidza nekudyara miti kumativi mana enyika.

Climate Smart Trust, isangano riri kutenderera nenyika yose richikurudzira kuchengetedzwa kwakanaka kwemasango. Sachigaro wesango iri, VaDidymus Machiri, vanoti chirongwa ichi chiri kufambaira mberi zvakanaka zvikuru.

“Tiri kushanda zvakare nenyanzvi dzekuchengetedzwa kwezviwanikwa dzekuchikoro chedu chikuru cheUniversity of Zimbabwe uko takaendesa vanamati vechechi yeZviratidzo Zvevapositori vekuChitungwiza vanokwana 300 vakanoita zvidzidzo zvekuchengetedza zviwanikwa ndokuzopihwa zvitupa,” vakadaro VaMachiri.

Vanoti vanotenda zvikuru Dr Emmanuel Mashonjowa vekuUZ avo vakabatsira nekudzidziswa kwevanamati ava pamusoro pekuchengetedzwa kwezviwanikwa. VaMachiri vanoti vari kushandawo nemakambani anotengesa fodya muchirongwa ichi.

“Sangano reUnicef tinaro zvakare muhondo yekuvandudza masango iyi nemamwewo anoona nezvekurima. Muchirongwa ichi, hatisi kusarudza machechi kunyangwe zvedu takatanga nemapositori vakaita saivava veZviratidzo, Johane Marange, Johane Masowe neZion,” vakadaro.

VaMachiri vanoti vari kushandawo nemakanzuru nemadzishe sezvo varivo varidzi venzvimbo vanovawaniswa minda yekudyara miti.

“Izvozvi chechi yeZviratidzo yakakumbira munda wakatandavara mahekita gumi kuti vawane pekunamatira nekudyarawo miti kwaSeke sezvo dunhu reChitungwiza richizivikanwa nekuva gwenga,” vakadaro VaMachiri.

Vanoti vanotarisira kudyara miti inokwana miriyoni pagore roga-roga kutangisa muna 2015 pasi pechirongwa ichi.

Related Posts

Makore mashanu mujeri nemhosva yokuba akapakata zvombo

Getrude Manyande MURUME ane makore 54 okuberekwa wekuBulawayo akatongerwa kugara mujeri kwemakore mashanu azere nemhosva yokuba akapakata zvombo pane imwe imba murukisheni rweMbundane, apo chirangio chakapiwa mwanakomana wake pamhosva yekugamuchira…

Dambudziko rekuitira tsvina pose-pose rakura muguta reHarare

Muchaneta Chimuka KANZURU yeHarare yoshorwa zvikuru panhau yekusiya vashandi vayo vachibhadharisa voruzhinji US50 cents pamunhu kuti ange achipinda muchimbuzi zvisinei nokuti nzvimbo idzi dzinofanira kunge dzichishandiswa pachena. Izvi zviri kuita…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×