Kugocha nyama yembudzi

ZVIRI MUGAPU NAMUCHANETA CHIMUKA
NYAMA yembudzi yakagochwa inonaka zvikuru, kunyanya apo vanhu vanenge vachidya vakatandara zvavo.

Svondo rino Milcah Nhakura wekwaMutare anotsanangudza mamwe magocherwo enyama iyi.

Zvinodiwa:

Chiwaya (braai stand), munyu, mafuta, magaka, muriwo welettuce, matomatisi nehanyanisi.

Magochero:

Torai nyama yose yamuri kuda kugocha morunga nemunyu.

Itai kuti pave nemoto une marasha akawanda pachiwaya chakachena.

Rongai nyama yese pachiwaya.

Regai inyatsoibva mativi ese muchipindura-pindura kuti isatsve. Raidzai kuti yanyatsoibva zvakanaka here.

Sukai magaka, matomatisi nehanyanisi mocheka nemuriwo zvose muzvidimbu zvakanaka.

Rongai muriwo, magaka, matomatisi nehanyanisi mundiro yakachena.

Torai nyama yese mocheka kuita zvidimbu zvamunoda.

Sanganisai zvose, modya pamwe nemhuri muchifara nezvinwiwa zvamunofarira.

 

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *