Kukanga mhandire

Zviri MuGapu
SEZVO chibage chaibva zvekukohwewa muminda, svondo rino tinonangana nemakangirwo anoitwa mhandire zvine hunyanzvi.

Tinavo zvakare VaElard Taero vemuHarare avo vanotsanangura makangirwo emhandire zvine udobi-dobi.

ZVINODIWA:

Tonongora chibage wochiisa mugaba rakachena.

Dira mvura mugaba iroro, chibage chako choraramo kwezuva rimwe chete kuti chipfave. Nyurura chibage chako mumvura wochikanga mugango, ingava pani kana poto yakachena, kusvika chatsvukirira.

Kanda twumunyu twakaringana netwumasipaisi.

ZVEKUDYISA:

Kana mhandire dzaibva, dziise mumapaketi madiki kana mutundiro.

Mhandire hadziwanzwi nekuti ndedze kungorunga mumukanwa. Vamwe vanofarira kudzisanganisa nenzungu dzakakangwa kana kudzidya dzakadaro.

Vamwe vanodzitora mushure mekudya kuitira kuti moyo yavo isakanganiswe nechikafu chavanenge vabva mukudya chinogona kudaro chiine mafuta akawanda.

DZAKAKOSHEREI?

Sezvo mhandire dzichigadzirwa kubva muchibage, zvinoreva kuti dzine macarbohydrates nemaproteins ayo anobatsira mukudzivirira zvirwere uye dzinopa simba.

Dzinoita kuti unwe mvura yakawanda inova yakakosha mumuviri nekuti dzine munyu.

Kutsenga mhandire kunosimbisawo mabhonzo eshaya nemazino.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×