Kukaringa zvitaka zvehuku

ZVIRIMUGAPU NAMUCHANETA CHIMUKA 

ZVITAKA zvehuku usavi hunonaka zvikuru kana hukakaringwa zvakanaka zvekuti unogona kuzviruma rurimi wanakirwa.

Svondo rino Ashley Muchamiri wekwaRusape anorondedzera mamwe mabikirwo ezvitaka zvehuku.

Zvinodiwa:

Chikari, poto kana pani, chipunu, mugoti, mafuta, munyu, mhiripiri yakareruka yerudzi rwered and green pepper.

Mabikiro:

Tora mhiripiri wosuka nemvura inotonhora wocheka muzvidimbu.

Suka zvitaka zvehuku nekubvisa nduru dzinosaririra.

Gadza pani, chikari kana poto pamoto.

Isa mafuta, kana apisa chiisa zvitaka zvishoma nezvishoma kuti zvinyatsotsvukira mativi ose.

Isa mhiripiri wokwidibira zvomboshinyira kwemaminitsi masere.

Isa munyu wobura nekuti mhiripiri dzinoburitsa muto wadzo wakakwana.

Usavi uhu hwakanaka kudya nemupunga kana masupageti.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *