NHAVA yedu haifaniri kuzara nemhando imwe chete yechikafu. Tinofanirwa kukanda twakasiyana-siyana munhava nokudaro tamboti kandei tsumo dzakati wandei, tochisanganisawo nemadimikira.Kudimikira kubhendekera kana kuti kutaura kune hudzamu asi kuri kwakavanzika zviya zvekuti unogona kurehwa uripo.
Kudimikira kunorunga mutauro kuti ugotapira uye ugodzama. Tinonyanyoda kushandisa madimikira pakunyora rondedzero kuti tigokwanisa kubata mbariro dzepfungwa dzemuverengi webasa ratinenge tanyora.
Kana zvichinzi munhu ane chinya chiri pahuma zvinoreva kuti anokurumidza kutsamwiswa chero nechinhu chiduku duku. Uya anodya magaka mambishi neminzwa yawo munhu anopopota zvikuru kana akatadzirwa. Anotozivikanwa kuti watodenha mutunhu unemago, unorumwa.
Vamwewo ndivo vane pamuromo pasingamharwe nenhunzi. Ava ndivo vana teererai ndichitaura! Vanhu ivava imhodzi chaidzo nekuti ndivo vanenge vachingopaumba nekukwamatata kutaura vamwe vakati mwiro, vanonzi havamedze mate.
Kana vakuru vachiti ari kudzidziswa kubata murume vanenge vachireva kuti ari kudzidziswa nzira dzakanaka dzekugarisana zvakanaka nemurume wake. Kubata maneka kana kubatisa maneka kurwadziwa kana kuitirwa zvinokurwadza zvikuru. Unenge wabaiwa pamoyo kana kutswinywa panyama nhete.
Kubatiswa dombo kusiiwa nemunhu kana kunyengedzwa iwe uchifunga kuti achadzoka oita zvamakavimbisana asi iye ongonyangarika.
Kubaya dede nemumukanwa kubva wataura zvinhu nemazvo pasina zvekupopota, unongoti nemo dyoo. Idimikira rinonyanyoshanda kana pachinge pabvunzwa mibvunzo kana papinzwa nyaya inoda tsanangudzo kana nhoroondo.
Kana wobata matakanana unenge woita zvinhu zvinoshoresa zvinogona kuzokupinza mumatambudziko. Matakanana anobatwa nepwere nekudaro munhu mukuru akaita zvinhu zvisina shumo anoenzaniswa nepwere dzinotamba mahumbwe dzichibika matakanana.
Kubereka katsiga kane moto kumusana kuzvipinza mumatambudziko makuru nekuda kwezviito zvako pachako. Dimikira iri rinoreva zvakafanana nerekuti kurumwa nechekuchera.
Kubvunza nyama makushe uchiaona idimikira rinotaurwa navakuru vachida kuratidza munhu kuti ari kuda kupihwa tsanangudzo yezvinhu zviri pachena zvaari kuona. Zvinotaurirwa vaya vanoda kunzwa mukanwa mevanhu vobva vada kutsvaga kutsanangurirwa zvinhu zvakangoti bvuu pachena.
Kubvisa munhu mbanje dziri mumusoro kumuranga kusvikira ati tasa. Kupinza munhu mugwara kana mumuforo.
Kubopa nekumuswe kuedza kuita chinhu nenzira isiri iyo zvigozokupindukira kutosvika mukukuvadza.
Kudirwa nyimo dzinopisa munguwo kuvambirwa zvinhu zvinokupinza munjodzi huru uye inorwadzisa. Ukanzi wadyirwa munda neimbwa kureva kuti waitirwa mashura kana kuti zvinoshamisa zvisati zvamboitika. Kuisa ura pachitsiga zvinoreva kuita zvinhu zvaunonyatsoziva kuti zvine ngozi.
Kuruka nhava rutsva rwatsva kupedza nguva uchiita hurongwa nezvinhu zviya zvakatopfuura kare. Zvinoreva kuti ita zvinhu nenguva yazvo kwete kuda kuzobinduka nekuita chinhu nguva yacho yapfuura. Kuva makara asionani kureva kuti vanhu vanenge vakavengana zvekutadza kugarisana chaiko.




