Muroora oda kupisira vamwene mumba

Trymore Muvhawa

PANE muroora ari kunzi akaedza kuzviuraya nekunwa muchetura mushure mekunge akundikana kuuraya vamwene vake avo vaaida kupisira mumba.Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Martha Gwatidzo akamhan’arira muroora wake, Rumbidzai Chiweshe, achida kuti abve pamba pake.

“Mambo wangu, ndatambudzwa nemuroora uyu. Ndakamutora kwaaigara nemurume wake ndichida kuti tibatsirane kuchengeta pamba sezvo murume wake ari dangwe rangu.

“Asi handina kuziva kuti ndaive ndazvisikira moto muziso,” akadaro.

Gwatidzo anoti nguva pfupi yadarika, muroora wake aida kumupisira mumba asi chikonzero chacho haachizive.

“Mwedzi wadarika uyu, musi wa25 (Gunyana) muroora akandikiyira dhoo ndiri mumba akabatidza chitofu chegasi achida kundipisira mumba. Handina kuziva kuti mhosva yangu ndeyei.

“Paakaona kuti izvozvo zvaramba, akazonwa poizeni ndokunomukira kuHarare (Central) Hospital,” akadaro Gwatidzo.

Akati Chiweshe anogara achimutukirira uye anotukidzira murume wake zvakare.

“Muroora uyu anogaronditukirira uye ukanzwa mashoko aanotuka nawo murume wake, haungabvume kuti ari kubuda mukanwa make.

“Anoti zvakare anoda kupisa mota yangu, manje mota iyi ndeyangu yandakatenga nemari yemudyandigere wemurume wangu ndokuipa mwana kuti afambe nayo.

“Anotiwo anoda kuzviuraya asi handizive chikonzero chacho,” akadaro Gatwidzo.

Akati anoedza nepaanogona kuratidza rudo kumuroora wake asi zvose izvi haazvione.

“Mufunge kuti ndini ndinomuka ndomupa chikafu iye akarara. Asi anofamba achitaura kuti ndinomunyima chikafu. Ndaikumbirawo kudare kuti rindipe gwaro rinomudzinga pamba pangu nekuti angandiitire ngozi,” akadaro Gwatidzo.

Chiweshe haana kuwana mukana wekupa divi rake sezvo mutongi Yeukai Dzuda akaudza Gwatidzo kuti akange aunza chikumbiro chake kusiriko nekudaro anofanira kuchiendesa kudare rinoona nezvekubviswa kwevanhu pamba.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *