‘Kukumbira tanyanya, zvave kutonyadzisa’

Gamuchirai Muzanenhamu —
MUMWE mudzimai anoti murume wake ane nungo dzinonyadzisa sezvo asingade kushandira mhuri yake uye vanotorarama nekupemha rubatsiro kuchechi zvekuti pari zvino ave kunyara kuramba achingokumbira.

Loveness Nyandoro akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court apo akamhan’arira murume wake, Tarzen Nyandoro, achida kuti abhadhare mari yechikoro yevana vavo vaviri. “Ndiri kuda kuti murume wangu abhadharire vana vedu mari yekuchikoro nekuti vanzwa nekudzingwa,” anodaro Loveness.

Anoti pakutanga akambofunga kuti murume wake haana mari, asi akazoshamiswa achiona mameseji mufoni yake airatidza kuti ane vamwe vana vaanobhadharira chikoro.

“Ndaifunga kuti haana mari, asi ndakatozoona kuti anayo mushure mekunge ndaona mameseji mufoni make kubva kune mumwe mudzimai achiratidza kuti murume wangu aiva abhadharira vana vake mari yechikoro. Ndizvo zvazoita kuti ndiuye kudare nekuti ndainyara kuti vanhu vakuru sesu tiuye kuno tichinetsana nenyaya dzevana. Ndazoona kuti haangachengete vamwe vana achisiya vamwe, anofanirwa kuenzanisa,” anodaro Loveness.

Achibvunzwa namutongi Amanda Muridzo kuti sei asiri kubhadharira vana chikoro, Tarzen anoti haana mari yacho nekuti haashande.

“Changamire wangu, handirambe kuti vana vari kudzingwa asi mari yekunobhadhara ndiyo yandisina. Mwana mumwe chete ndiye wandinoziva ane chikwereti nekuti mumwe wacho anobhadharirwa nevechechi yemudzimai yangu,” anodaro Tarzen.

Anoti Loveness akamumhan’arira kudare asi achinyatsoziva kuti haana mari.

“Anoziva kuti handishande uye mari yacho handina,” anodaro Tarzen.

Loveness anoti Tarzen ane nungo, haadi kutsvaga basa kana kuita mamwe mabhindauko nekuti anoda kuti vagare vachingokumbira rubatsiro kuchechi.

“Mwana waari kuti haana chikwereti ndaiva ndatokumbira mari kuchechi temu yakadarika asi kuti ndichadzokera sezvaari kuda hazvichaita, zvava kunyadzisa. Haadi kushandira mhuri yake, ane nungo ndosaka ari kuda kuti tingogara tichikumbira,” anodaro Loveness.

Mutongi Amanda Muridzo akati Tarzen abhadharire vana vake mari yechikoro.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×