‘Kumapurisa handiende’

 ‘Imba yangu ingaparare’
‘Regai zvangu ndirohwe’

Tatenda Shuro
MUDZIMAI wemuHarare akashamisa vanhu vaive mudare apo akati murume wake anogara achimurova uye akambomurikita zvekusvika pakutyoka ruwoko asi haadi kumumhan’arira kumapurisa nekuti anoda kuchengetedza imba yake.

Moila Muwano akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court apo akamhan’arira Mufaro Zhou.

“Mambo wangu, baba ava vakatora runhare rwangu, kadhi rekubhengi nechitupa changu uye vakaburitsa nhumbi dzangu mumba. Asi paakadzosa zvinhu izvi, akangouya nekadhi rekubhengi neID chete, handina kuona runhare rwangu,” anodaro.

Anoti anogara achirohwa senyoka yapinda mumba naZhou.

“Baba ava vanongotsvaga nyaya pavadira, vanondirova chero nyaya dzekunyepa. Ndakatombotyoka ruwoko vandirova. Kumapurisa handidi kuenda nokuda kwokuchengetedza imba yangu kuti isaputsike uye vanonditi ukangondisungisa ndodzoka ndichikusungisawo,” anodaro Muwano.

Zhou anoti haana dambudziko nechikumbiro chaMuwano kudare.

“Handipokane nechikumbiro chavo, asi panyaya yenharembozha ndakazomuudza kuti ndakaitengesa kuti ndiwane kubhadhara mari yemwana yechikoro. Pari pakuvarova, ndakangozviita kamwe chete,” anodaro.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Muwano gwaro redziviriro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *