Vorwisa huchapa muzvikoro

Daphne Machiri
SANGANO reOxfam rakavamba chirongwa chekusimudzira zvidzidzo zveutano muzvikoro icho chinodaidzwa kuti School Health Clubs nedonzvo rekudzivirira vana kuti vasabatwe nezvirwere zvinokonzerwa nehuchapa semanyoka.

VaFredrick Kupfuwamandu – avo vanotungamirira chirongwa ichi cheWater, Sanitation and Hygiene – vanoti donzvo ravo nderekuti vana vechikoro vagare vakashambidzika zvose nenharaunda dzavanenge vari.

Vanoti vari kudzidzisa vana sekukosha kwekugeza mawoko vabva kushandisa chimbuzi kana kuti vasati vadya chikafu.

“Chirongwa chekugeza mawoko chakakosha mukudzivirira zvirwere zvemanyoka izvo zvinoita kuti vadzidzi nevadzidzisi vawanikwe vachirovha kuchikoro zvichizomutsa kudofora kwevana uyewo basa revadzidzisi richidzokera shure,” vanodaro VaKupfuwamandu.

Vanoenderera mberi vachiti, “Takavamba chidzidzo cheParticipatory Health and Hygiene Education (PHHE) icho chiri pamusoro pezvakanakira kugeza mawoko nesipo nekukosha kwemishonga inoshandiswa kuchenesa mvura nezvimbudzi. Ruzivo urwu harusi rwevana vechikoro bedzi sezvo tichidzidzisawo vanhu vari munharaunda dzakasiyana.”

Vanoti vari kupa pachena zvekushandisa munyaya dzeutsanana semabhaketi ekugezera, sipo, mishonga yekuchenesa mvura nezvimwe.

“Iye zvino tiri kushanda nezvikoro zviri kumatunhu anosanganisira Mashonaland East, Mashonaland Central, Masvingo, Matabeleland neHarare. Chinangwa chedu kuderedza kupararira kwezvirwere zvakaita secholera netyphoid,” vanodaro VaKupfuwamandu.

Vanoti vari kuitawo makwikwi ekwizi apo vana vanenge vachipakurirana hunyanzvi pamusoro pezvakakoshera kuita hutsanana nguva dzose.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *