Zvidzidzo zveChishona naBambo J
1. Afirwa haaringwi kumeso
2. Aguta haaoneki
3. Aiva madziva ave mazambuko
4. Akuruma nzeve ndewako
5. Akwewa sanzu akwewa namashizha aro
6. Ane ganda ane nyama hazvienzane nowakabata hohwa
7. Ane marengenya haacharike moto
8. Ane mhuri kwayo ndeane ndume ane mhurikadzi vaeni
9. Anokutukira badza unokupa upfumi
10. Apunyaira haashayi misodzi
11. Ashamba haanokorerwi
12. Atandavara aguta, apfunya ndiye avata nayo
13. Ateya mariva murutsva haachatyi kusviba magaro
14. Atswinya arwa
15. Avengwa anhuhwa
16. Benzi rikasaimba manjemanje richamhanya bani
17. Chada mwoyo hachikoni, mwoyo chiremba
18. Chafamba chasvava
19. Chaikanya chototsa, chaitotsa chokanyawo
20. Chaitemura chava kuseva
21. Chakabaya chikachokera
22. Chakaenzanwa ibvudzi upfumi hahuna kuenzanwa
23. Chakafukidza dzimba matenga
24. Chakanaka chakanaka mukaka haurungwi (munyu)
25. Chakatairi pasi ndechevanhu vose asi chiri mumuti
ndechowagona kukwira
26. Chakatanga ndochakachenjedza
27. Chako ndechako kuseva unosiya muto
28. Chapadare chakakandwa parurimi rwavapfuuri, chomumba chiri mumhepo
29. Chapinda munzeve chavaridza bonde
30. Charova sei chando chakwidza hamba mumuti
31. Charovedzera charovedzera gudo rakakwira mawere kwasviba
32. Chati homu chareva
33. Chauya masikati charamba ndima chauya usiku charamba hope
34. Chava chigondora chava chimombe kutadza kutunga hurema hwacho
35. Chavavana batisisa mudzimu haupi kaviri
36. Chavavana pfumbata vashakabvu havakandi ruviri
37. Chawawana idya nehama mutorwa ane hanganwa
38. Chawira pasi mudzimu wembwa
39. Chekuba hachigari
40. Chembere masikati usiku imvana
41. Chembere mukadzi hazvienzani nekurara mugota
42. Chembere ndeyembwa yomunhu inofa ichigurukuta
43. Chembere ndeyembwa yomurume ndibaba wavanhu
44. Chenga ose manhanga hapana risina mhodzi
45. Chibwe chiremera chavari kure vari pedyo vanotamba nacho
46. Chidamoyo hamba yakada makwati
47. Chidembo hachinzwi kunhuhwa kwacho
48. Chidhiidhii kutsvara hundi moyo uri kumakoto
49. Chidokodoko chirere muviri chikuru chinozouya wakora
50. Chidziva chakadzikama ndicho chinogara ngwena
51. Chigare chenda kudya akaitakura
52. Chigarisano ndicho chine mhosva
53. Chigere ibwe muti unowa
54. Chikomo shata divi rimwe ritambire pwere
55. Chimwe nachimwe chine nguva yacho
56. China manenji hachifambisi chinomirira kuti mavara acho aonekwe
57. Chinogova ruoko muromo haugovi
58. Chinokanganwa idemo asi chitsiga hachikanganwe
59. Chinokokwa upfumi urombo hunozvikoka
60. Chinokura chinokotama musoro wegudo chave chinokoro
61. Chinokura choga isango munda kukura huona tewe
62. Chinokura usipo imombe munda unokura nokuvandurirwa
63. Chinono chine’ngwe bere rakadya richifamba
64. Chinonzi regedza ndechiri mumaoko chiri mumoyo unofa nacho
65. Chinotanga mberi mashura
66. Chipitipiti chakazvara chimwandamwanda
67. Chirema ndechina mazano chinotamba chakazendama kumadziro
68. Chirere mangwana chigozokurerawo
69. Chiri mumoyo chiri muninga unofa nacho
70. Chiri pamuchena chiri pamutenure
71. Chiripo chiripo ndarira imwe hairiri
72. Chirungurira ndechowadya maradzwa chowerinopisa isvoto
73. Chisi chako hachibatsiri unodya wakaringa kumusuwo
74. Chisi hachieri musi vacharimwa
75. Chisingaperi chinoshura
76. Chitaurirwa mbare dzekumusana
77. Chitende chinorema ndechine mhodzi
78. Chitsva chiri murutsoka
79. Chitsva chitsva munamba wejenachena
80. Chivendekete anoseka chimedure
81. Chomukuru anopa omene
82. Chomukuru hachikumbirwi
83. Chura kugara mumvura handi kunwa
84. Dare harizondi munhu rinozonda mhosva
85. Dindingwe rinonaka richakweva rimwe kana iro
rokwehwa roti mavara angu azare’vhu
86. Dzakatamba nepwete dzikareswa kudzorerwa
87. Dzavira mutswanda hadzichanetsi kunhonga
88. Dzvinyu kuzamba zuva huona bako
89. Fodya haina manenji semhamba
90. Fodya haina shura sedoro
91. Gapakapa ndere fodya remhudzi rinokura nokusakurirwa
92. Gombarume kudze soro kukudza dumbu wonge wave chana
93. Gona ana gona vakewo
94. Gona rehupfumi iziya
95. Gondo kuengerera raona zumbu
96. Gore haribvi pakabva rimwe
97. Gore musandu
98. Gunguo rakaramba kumirira museve rikapona nehwakumukwaku
99. Gunguo rinodya mbamba, rino muchero waro
100. Hakuna dziva risina chura
101. Hakuna mombe inokorera pamarekete
102. Hanya nani chidoma chekwaChivi
103. Hapana angagone chisingagoneke naGona
104. Hapana chembwa tenzi vararira mutakura
105. Hapana mhou inokumira mhuru isiri yayo
106. Hapana mukuyu unovinga shiri
107. Hari haiviri isina mukuchidziri
108. Hauzivi tsanga inokodza tsambakodzi
109. Heya baravara ndiwo magariro kutuka mwene wechisvo ndiwo mano
110. Hope hadzina ndima
111. Hove dzinokwira dzine muronga
112. Hove huru dzinodyira kwodoka
113. Hukwana inodya ndeiri pana mai
114. Hurudza inofa ichinzi inodya
115. Hwahwa hahuna mbuva
116. Ibangano muchateya kuzondoona kwava kwomumwe chete
117. Idambudziko rehope kurota kwawakarambwa
118. Igangaidza mukwenyi mhezi kuvavira mumoyo
119. Ikamwe pagore hembe yenherera
120. Imbwa nyoro ndidzo tsengi dzematowo
121. Imbwa payadyira haipakanganwi
122. Imhashu yomurwere inogochwa yakabatwa gumbo
123. Inotanda yomunyepi younyerere haitandi



