Kuparurwa kwechirongwa chekuchengetedza chikafu

CHIRONGWA cheFood and Agriculture Organisation (FAO) neAfrica Solidarity Trust Fund (ASTF) icho chine chinangwa chekusimudzira kuchengetedzeka kwezvekudya pamwe nezvipfuyo chakaparurwa svondo rapera muHarare.

Murongi mukuru kusangano reFAO, VaChimimba David Phiri, vakati chirongwa ichi chichabatsira nyika kuti dzinge dzine zvirimwa pamwe nezvipfuyo zvakachengetedzeka. “Kana zvirimwa zvikadzivirirwa kuzvipukanana netumbuyu zvinobatsira mukusimudzira nyaya dzekutengeserana mudunhu reSouthern Africa.

“Mabhindauko aya achaita kuti nyika ive nekudya kwakakwana kunopa hutano,” vakadaro.

Vakati zvirimwa, zvipfuyo, mabhizimusi akaita sekupfuya hove nekuchengetedzwa kwemasango zvakakosha zvikuru nekuti ndiko kunobva kusimukira kwenyika munyaya dzeupfumi.

Dr Phiri vakati nyika sere idzo dzinova nhengo dzemubatanidzwa weSadc dzinoti Angola, Botswana, Madagascar, Mozambique, Namibia, South Africa, Zambia neZimbabwe dzichabatsirikana kuburikidza nemabhindauko aya ayo achange achienderera mberi mumakore matatu ari kutevera.

Mabhindauko aya ane rutsigiro rwemari inoita US$4 miriyoni iyo yakavepo kuburikidza nechirongwa cheAfrica Solidarity Trust Fund for Food Security.

Donzvo rehomwe iyi nderekurwisa nzara kumaruwa nemumaguta, nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze, kuchengetedzwa kwezviwanikwa nezvimwe zvakawanda.

“Kuti nyaya dzekurima dzinge dzichiva nepundutso tinofanira kudzivirira zvirwere kuzvirimwa nezvipfuyo pamwe nekuona kuti chikafu chavepo chakaringana uye chichivaka hutano.

“Kurwiswa kwezvirwere uku kunoda mushandirapamwe wenyika dzose, semuenzaniso kune twupukanana twakadai seAfrican army worm, nhunzi dzinoodza michero, mhashu nezvimwe izvo zvinogona kuparadza goho rose mukati menguva diki,” vakadaro.

Vakawedzera kuti kuparadzwa kwegoho uye zvipfuyo uku kunokanganisa nyaya dzekutengeserana pamwe nekudya kwemhuri uko kunenge kuchibatsira zviuru nezviuru zvevanhu.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×