PAMAKORE 27 ekuberekwa, Precious Nyatande akanga atova nemwana ane makore 14 ekuberekwa. Akaroorwa aine makore 13 ekuberekwa asi anopika kuti haazofi akatendera mwanasikana wake kuti ange achitevedza matsimba ake.
Nyatande wekubhuku raKatsine kuAngwa Ward 2, Mbire District, ndemumwe wemadzimai echidiki ayo akawira munyatwa yekuroodzwa vari vadiki mudunhu iri.
Nyaya dzekuroodzwa kwevana dzakawanda munyika uye ongororo yakaitwa nekomiti yeZimbabwe Vulnerability Assessment Committee (ZimVAC) (2015), inoratidza kuti nyaya idzi dzakawanda nechikamu che50 percent mudunhu reMashonaland Central.
Ongororo iyi inoratidza kuti dunhu iri rine chikamu che26 percent chevana vasiri kuenda kuchikoro.
Nyatande anoti aive nezviroto zvikuru asi akakundikana kuzvizadzikisa mushure mekunge vabereki vake vakundikana kumuendesa kuchikoro.
Anoti vanasikana vazhinji vane shuviro yekuwana mabasa akati tsvetere asi vanopedzisira varoorwa vari vadiki izvo zvinoita kuti zvishuviro zvavo zviende mudondo.
“Ndaigara ndichifunga kuti rimwe remazuva ndichabudirira kupedza chikoro ndigoenda kusekondari asi zvakaramba sezvo munharaunda medu zvinhu zvaitoshamisa mazuva acho kuti mwanasikana awanikwe achienda kusekondari,” anodaro.
Mudzimai ane vana vana uyo anova nhengo yechirongwa chekuchengeta mbudzi anoti donzvo remabhindauko aya nderekusimudzira madzimai echidiki uye munzvimbo umu makanga musina zvikoro zvakakwana izvo zvaiita kuti vana vange vachifamba makiromita 20 kuenda kuchikoro uye mumigwagwa mavaifamba makanga muine mhuka dzinouraya.
“Kunyangwe vabereki vaida kuendesa vana vavo kuchikoro vainyuyuta kuti zvaive kure. Isu taitofamba makiromita masere kuenda paChitima Primary. Vamwe vadiki vakanga vasingatoendi kuchikoro zuva nezuva apo vamwe vakanga vachisiira chikoro panzira nekuda kwekuneta,” anodaro Nyatande.
Anoti chikoro chakavakwa pedyo neMazambara nokudaro chava pedyo navo.
Ongororo yakaitwa mugore ra2018 nesangano reCentre for Community Development in Zimbabwe (CCDZ) inoratidza kuti zvikoro zvekuMbire zviri kure nevana uye nzara nehurombo zvinoita kuti vana vasaenda kuchikoro.
Nyatande anoshushikana nemwana wake uyo anotyira kuti angambunyikidzwa nevarume vechikuru munzvimbo umu.
“Ndichaedza kumuchengeta nenzira dzose kuti ange achikura zvakanaka,” anodaro.
Murongi kusangano reNAC kuMbire, VaClaudius Musandaira, vanoti panofanira kutsvakwa nzira dzekupedza nyaya dzekuroodzwa kwevana kuti vakwanise kurwisa mhirizhonga uye HIV.
“Dunhu reMbire rine chikamu che6.6 percent cheHIV kureva kuti chakaderera zvikuru asi nyaya dzekuroodzwa kwevana dzakawanda uye mhirizhonga. Takaona zvakakosha kuti tirwise kuwanda kwenyaya dzeHIV,” vanodaro.
Vanoti vari kushanda nemasangano akadai seDREAMS (Determined, Resilient, Empowered, Aids-free, Mentored and Safe) mukufambisa chirongwa cheSista2Sista.
“Vana vazhinji vekuMbie vari kusiira chikoro panzira nekuda kwekuti zvikoro zvacho zviri kure. Ongororo yakaitwa nebazi rezvedzidzo inoratidza kuti mugore ra2016 vadzidzi vakasiira chikoro panzira 121 apo 77 vakasiya mugore raitevera. Vanasikana vakasiya chikoro nekuda kwepamuviri,” vanodaro.
Vanoti gore rino pakati pemwedzi waNdira naKurume vadzidzi 400 vakasiira chikoro panzira uye 187 vavo nekuda kwekuroodzwa.
VaRichard Maruta vanova District Development Coordinator kuMbire vanoti zvinoda mushandirapamwe kuti nyaya idzi dzinge dzichirwiswa.
Fadziso Maunganidze anova murongi kuKatswe Sisters anoti vane zvirongwa zvakawanda zvavari kuita mudunhu umu nedonzvo rekurwisa nyaya dzekuroodzwa kwevana.
“Tinofara zvikuru nekuti vanhu vari munharaunda vari kufunda zvakawanda kuburikidza nemakambeni atiri kuita tichishanda nemadzimai nevarume uye madzishe,” anodaro.
Dorothy Chirwa Tumbo anosa mupangi wemazano mumagariro akanaka evanhu anoti anotenda zvikuru Hurumende nekuona kuti nyaya dzekuenzaniswa kwemikana dzagadziriswa munzvimbo dzichakasarira dzakadai seMbire.



