Shoroma yevakadzi 15 yonetsana nemwana

Gibson Mhaka

MUZVINHABHIZIMISI wekuKwekwe uyo ane madzimai 15 nevana 69 ari kunetsana nemumwe wevanakomana vake mushure mekubuda kwerunyerekupe rwekuti ari kushandisa “juju” kuti abudirire uye kuti anoda kuuraya baba vake sechirango chekushungurudza kwavari kuita amai vake.

Peter Gore (69) haasi kuwirirana nemwana wake, Tyson Gore, uyo waari kupomera kuti anogara nepfuti uye kuti anoda kumupfura kana kutumira vamwe vanhu kuzomuuraya.
Nyaya iyi yasvika padanho rekuti baba vakaendesa mwanakomana wavo kudare.
Mumagwaro ake ari mudare, Peter anoti anoda gwaro redziviriro sezvo ari kugara achityira upenyu hwake nekuda kwemwana wake.

“Tyson mwanakoma wangu. Ndiri kukumbira gwaro redziviriro nechimbi-chimbi.
“Mwanakomana wangu ari kugara achiti anoda kundiuraya. Akatondiudza ega kuti anoda kundiuraya kana kuti achatuma vanhu vanondiuraya.

“Anondipomera kuti ndinoshungurudza amai vake. Anogara nepfuti uye anoti anoda kundipfura nayo,” anodaro Peter.

Anoti ari kukumbira zvakare dare kuti risabvumidze Tyson kusvika kumba kwake kuKwekwe uko anogara achiuya kuzoona amai vake.

Achipikisa chikumbiro chababa vake, Tyson anoti Peter ndiye ari kutomushungurudza uye anomutukirira pajekerere nepane vamwe vemhuri yavo.

“Kunyangwe zvisingapikiswe kuti ndiri mwana wavo, ndinopikisa kuti ndakati ndinoda kuvauraya kana kuti ndine chinangwa chekuuraya baba vangu uye vanofanirwa kuratidza humbowo huzere hwezvavari kutaura.
“Chokwadi ndechekuti ivo ndivo vasingatiremekedze isu vana vavo nguva zhinji uye vanotishungurudza. Vakambotuka kunyangwe mukoma wangu pamberi pevamwe vemhuri yedu vachiti amai vake ih**e,” anodaro Tyson.

Anoti baba vake vanogara vachimupomera kuti anoshandisa “juju” kuti abudirire mumabhizimisi ake.
“Baba vakandigumbura pavakati ndinoshandisa juju muupenyu nemumabhizimisi angu. Zvisinei, kana dare rikada kuvapa gwaro redziviriro iri, ndinokumbirawo kupihwa gwaro rimwe chete kana kuti chikumbiro chavo chiraswe,” anodaro Tyson.

Nyaya iyi iri kuenderera mberi mudare iri.
MunaChivabvu gore rapera, mota ina dzepamusoro-soro dzeshoroma iyi dzinoti Chrysler, Rolls Royce, Toyota Prado nerori dzakangotsva nemoto usina kuzivikanwa kwawakabva apo dzaive pamba pake kuNewtown, muKwekwe.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×