‘Kupedza typhoid zvinoda kubatana’

SANGANO reZimbabwe Doctors Association of Human Rights (ZADHR) rinoti zvakakosha kuti mapoka akasiyana anoona nezveutano abatane mukurwisa kupararira kwezvirwere zvemanyoka zvakaita setyphoid iyo yanetsa muHarare nekwaMutare.

Zvirwere zvakaita setyphoid necholera zvinowanzokonzerwa nehuchapa uye zvinokwanisika kudziviririka.

Masvondo mashoma adarika, vanhu vaviri vakafa muHarare nekuda kwetyphoid.

Zvakadai, svondo rapera mapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) akabatana neekanzuru yeguta reHarare mukusunga vose vanotengesera zvekudya nezvimwe zvinhu mumigwagwa nedonzvo rekurwisa kupararira kwetyphoid.

Dr Evans Masitara, avo vanove munyori mukuru wesangano reZADHR, vanokurudzira Hurumende, makanzuru nemamwe mapoka akazvimirira kuti vabatsirane mukusimudzira nyaya dzeutano senzira yekurwisa kupararira kwezvirwere zvakaita setyphoid.

“Kusvika pari zvino takaziviswa nezvevanhu vaviri vakarasikirwa neupenyu nekuda kwetyphoid. Saka hatidi kuti ndufu idzi dzirambe dzichienderera mberi.

“Chirwere chetyphoid chinokonzerwa nezvakasiyana izvo zvinosanganisira kushandiswa kwemvura isina kuchena uye tsvina yesuweji iyo iri kungoyerera munharaunda zvisina tsarukano.

“Mvura yakachena ikodzero yevanhu kuti vaiwane nenguva uye yakakwana zvakare marara anofanirwa kutakurwa nenguva,” vanodaro.

Zvakadai, gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, pamwe negurukota rinoona nezvekutongwa kwematunhu, mabasa everuzhinji nekuwaniswa kwedzimba, Cde Saviour Kasukuwere, svondo radarika vakamena nzvimbo yeMbare Msika sezvo kuMbare kuri iko kwakatanga kunyuka typhoid nguva yadarika.

Vanotengesa munzvimbo dzakaita semumigwagwa yemuHarare vari kuonekwa vachienderera mberi nebasa ravo.
Vanotengesa munzvimbo dzakaita semumigwagwa yemuHarare vari kuonekwa vachienderera mberi nebasa ravo.

Dr Parirenyatwa vanotsutsumwa nehuchapa hwavakaona kuMbare Msika.

“Hatingakwanisi kurwisa typhoid necholera nezvimwe zvirwere zvemayoka kana nharaunda dziine huchapa hwakadai. Kunyangwe ndikati zvipatara zvose munyika ngazvichiregedza kurapa zvimwe zvirwere zvingoshingirira kurapa typhoid bedzi, hatifi takapedza dambudziko iri kunze bedzi kana tagadzirisa nharaunda dzedu kuti dzigare dzakatsvinda.

“Makonye neutachiona zviri kuramba zvichibereka zviri pamusoro pemakabhichi ari kutengeswa uye zvinhu zvinoshamisa kuti suweji ichiri kungoyerera nenzira yakadai,” vanodaro Dr Parirenyatwa.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, vakafanobata chigaro chemunyori mukuru wekanzuru yeguta reHarare, Mai Josephine Ncube, vanoti vane hurongwa hwekuderedza huwandu hwevanhu vari kugara munzvimbo yeMbare.

Mugore ra2008-2009, chirwere checholera chakauraya vanhu vanodarika 4 000 muZimbabwe.

Zvirwere zvemayoka zvinokwanisa kurapwa nemishonga inouraya utachiona uhwu semaantibiotics.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *