Zviri Mugapu 

MASAMUSA kudya kwakanaka zvikuru uko kunofarirwa nevanhu vakawanda, kunyanya avo vanenge vari parwendo sezvo achigara nguva refu asati ashisha.

Kune mhando dzemasamusa dzakasiyana dzinogona kubhekwa munhu achiisa humwe hudobi-dobi hwakaita senyama, minzi, mbatatisi kana makerotsi.

Svondo rino Nhamoinesu Janhi wekuChitungwiza anorondedzera pamusoro peimwe nzira yekubheka masamusa.

Zvinodiwa:

Furawa, munyu, mafuta, hanyanisi, muto wemaremani (lemon juice) nemasipaisi (spices)

Mabhekero:

Kanya furawa woisa munyu nemuto wemaremani.

Isa mvura shomanana mukukanya kuitira kuti furawa isare yakakora ichiumbika.

Chikanga hanyanisi dzitsvukire wosanganisa nembatatisi dzaunenge wabika parutivi kana nyama.

Umba furawa uchiita zvimabhora.

Chipwanya zvibhora izvozvo neruwoko rwakachena uye rwakazorwa mafuta uchipeta sezvaunoda pamwe nekuisa minzi, pizi makerotsi kana mbatatisi pakati.

Wozodii?

Isa mafuta mupani wosiya kuti apise.

Chikanda masamusa woasiya kwemaminitsi gumi.

Ita izvi nemoto wakaderera kuti aibve pamwe nezviri mukati.

Kana atsvukira, pindura kuti mativi ose aibve.

Chibura unyautse mukanwa!

Masamusa anogona kudyiwa uchinwa nesvutugadzike, zvimwe zvinwiwa kana kuti uchinyika mumuto.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×